Accessibility links

Breaking News

Air Zim Inoda $50M yeKubhadhara Zvikwereti Zvayo Kuti Isvike Mhiri kweMakungwa


Munyori mubazi rezvekutakurwa kwezvinhu, uye vari sachigaro wekomiti yakasanobata chinzvimbo chebhobhi reAir Zimbabwe, VaMunesu Munodawafa, vanoti Air Zimbabwe inoda mamiriyoni makumi mashanu emadhora kuitira kuti ikwanise kushanda nemazvo ichiendesa ndege dzayo kwese kwayaisimboenda.

Vachipa humbowo kukomiti yeparamende inoona nezvekutakurwa kwezvinhu maererano nezvehurongwa hwekusimudzira kambani yeAir Zimbabwe, VaMunodowafa vati madhora mamiriyoni makumi matatu emari iyi achashandiswa mukubhadhara zvikwereti zvekambani iyi kunyika dzekunze.

VaMunodawafa vati zvikwereti zvese zvekambani iyi zvave kusvika pamamiriyoni zana nemakumi mapfumbabwe emadhora.

Vati kambani iyi yakatanga kubhururutsa ndege mukati menyika nekuSouth africa gore rapera mushure mekupihwa mamirioni mapfumbamwe emadhora nebazi rezvemari.

Vati mari zhinji iyi yakashandiswa kubhadhara zvikwereti kuSouth Africa izvo zvakazoita kuti ndege dzeAir Zimbabwe dzikwanise kumhara muSouth Africa.
Vatiwo nyaya yezvekwireti ndiyo iri kutadzisa Air Zimbabwe kuwana kambani yekunze yekushanda nayo.

VaMunodawafa vazivisawo kuti bhodhi idzva reAir Zimbabwe richange ravepo svondo rinouuya. Vati bhodhi iri rinotarisirwa kuvandudza kambani iyi nekuishambadza uye nekuona kuti yashanda nemazvo.

Vatiwo ndege zhinji dzeAir Zimbabwe dzakafa uye dzinotoda kutanga dzagadzirwa dzisati dzatanga kufamba.

Vakasanobata chinzvimbo chemukuru weAir Zimbabwe, VaInnocent Mavhunga, vaudzawo komiti iyi kuti Air Zimbabwe haisi kuita mari pari zvino nekuti iri kushandisa ndege hombe dzinofamba dzisina kuzara nguva dzese.

VaMunodawafa vati kunyange hazvo kambani iyi iine matambudziko, ichakwanisa kutakura vashanyi vese vachauya kumusangano weUnited Nations World Tourism Organisation General Assembly uchaitwa kuVictoria Falls nemuLivingstone muna Nyamavhuvhu gore rino.

Asi sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvekutakurwa kwezvinhu, VaBlessing Chebundo, vati komiti yavo hasi kufara nenyaya yekuti Air Zimbabwe haisati yave kunyatsofamba zvakanaka sezvainge zvataurwa negurukota rezvekutakurwa kwezvinhu, VaNicholas Goche.

Mugwaro ravakanyorera kukomiti iyi gore rapera, VaGoche vakati ndege dzeAir Zimbabe dzichazenge dzave kufamba zvakanaka munyika nemudunhu reSADC gore ra2012 risati rapera.

Mugwaro rimwe chetero, VaGoche vakati Air Zimbabwe inenge yave kushanda zvakanaka ichienda kunzvimbo dzese dzayaimboenda pakati pegore rino.

Asi VaChebundo vati havawoni izvi zvichiitika nekuti hapana hurongwa hwakatwasanuka hwekumutsiridza kambani iyi.

Air Zimbabwe yakambomisa ndege dzayo kufamba nekuda kwezvikwereti nemamwe matambudziko akaita sekushaya mari yekushandisa.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG