Monday, November 24, 2014 Local time: 04:55

Nhau / Africa

VaGundani Vokumbira Zifa Kuti Ipe Vatambi Nguva Yekubhadhara Mafaindi Avo

zimbabwe warriorszimbabwe warriors
x
zimbabwe warriors
zimbabwe warriors
Michael Kariati
Sangano rinomirira kodzero dzevatambi venhabvu muZimbabwe,  reFootballers Union of Zimbabwe, FUZ, rinoti riri kuda kuti Zifa iwedzere mazuva ekuti vatambi vakawanikwa vaine mhosva mu Asiagate vakwanise kubhadhara mafaindi avo.

Vamwe vatambi vaive vadzingwa munhabvu kwemakore anobva pamaviri kusvika pamashanu, vakapihwa kusvika kupera kwemwedzi uno kubvisa mari dzavakatarirwa neZifa kuitira kuti varegererwe.

Asi munyori mukuru weFUZ, VaPaul Gundani, vanoti nguva yakapihwa vatambi ava kuti vatsvage mari iyi ishoma zvikuru vachiti ivo panoda kuwedzerwa mazuva kusvika gore rinouya.

VaGundani vanoti vatambi venhabvu vanotambira mari shoma shoma zvekuti vanoda kupihwa kusvika muna chikumi gore rinouya kutsvaga mari dziri kudiwa neZifa idzi.

Vanotiwo vachasangana  nemutungamiri weZifa, VaCuthbert Dube, pamwe nemukuru wesangano ravo, VaJonathan Mashingaidze, kuitira kuti vazeye nyaya iyi.

VaGundani vanoti vari kufara nekuti Zifa iri kutwasanudza ruoko rwayo mukuita hurukuro neFUZ pamusoro penyaya yanetsa iyi.

Zifa yakadzinga munhabvu vatambi gumi nevatanhatu zvachose vamwewo ndivo vakambomiswa kwemakore anokwana mashanu  vamwe maviri vamwewo vachinzi vabvise mari iri pakati pezviuru zvitatu kusvika pazviuru zvitanhanu zvemadhora.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti mari iyi yakawanda zvikuru nekuti vatambi vebhora havasi kuwana mari inovakwanira.

You May Like

VaMagaya Vobatsira Kuvigwa kweVakafira muMbizo Stadium

VaMagaya vanoti mhuri imwe neimwe ichapihwa chiuru chimwe chete chemadhora semari yekushandisa pakuviga vashaya ava. Onai zvimwe

VaObama Vopa Mapepa Vari muAmerica Zviri Kunze kweMutemo

Vachitaura neChina manheru paterevhizheni vachiparura hurongwa hwavo, VaObama vakati vari kutora danho iri kuitira kune vaya vari munyika vasina mhosva dzavakapara vawanewo mukana wekukudza mhuri dzavo vakasununguka muAmerica. Onai zvimwe

Vhidhiyo VOA60 Africa

VOA60 Africa is a one-minute wrap of the past 24 hours' news and video from the African continent. It includes politics, weather, arts, culture and the extraordinary events that lead the headlines. Share and be informed - VOA60. Onai zvimwe

EU Inoti Hapana Chinoshamisa Mukurwisana Kuri muZanu PF

Mumiriri wenyika dzeEurope muZimbabwe, Va Philipe Van Damme, vanoti hapana chinoshamisa pane zviri kuitika muZanu PF sezvo zvichizikanwa pasi rose kuti vezvematongerwo enyika vanorwira zvigaro munguva dzakadai. Onai zvimwe
Ndebele

Ndebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
Nhau dzeShona

Nhau dzeShona

Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu

Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00

UTC Time: 1700

Nguva yeChirongwa 30

Tererai МР3 | Windows Media

Ndebele

Ndebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
Nhau dzeShona

Nhau dzeShona

Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu

Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00

UTC Time: 1700

Nguva yeChirongwa 30

Tererai МР3 | Windows Media


  • Nhau dzeShona
    20 min

    Nhau dzeShona

    Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00 UTC Time:...

  • Nhau dzeShona
    30 min

    Nhau dzeShona

    Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00 UTC Time:...

Facebook