Accessibility links

Breaking News

MDC Yotyira Kuti Mauto Ari kuManicaland Achanetsa Vatsigiri Vavo


Bato reMDC rinotungamirwa nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, rinoti riri kutyira kuti mauto ari kunzi ari kuendeswa kumuganhu weZimbabwe neMozambique mudunhu reManicaland anogona kuzoguma oshungurudza vatsigiri vebato iri sezvo nyika yatarisana nesarudzo.

Pane mashoko ekuti mauto eZimbabwe akaendeswa kudunhu iri mushure mekunge bato rinopikisa muMozambique, reRENAMO, ratora nhengo dzaro richidzokera musango richiti rinogona kutanga hondo.

Mumashoko aro kuvatori venhau, bato reMDC rinoti kunyangwe zviri zvinhu zvakanaka kuti Zimbabwe igare yakagadzirira kurwisa RENAMO, inotyira kuti pane vamwe vakuru vemauto vanoda kupindira munyaya dzezvematongerwo enyika vanogona kuzokonzeresa kuti Manicaland inge yoita seyaberekera ingwe kuvatsigiri vebato iri.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kuti tinzwe divi ravo.

Pagara paine ropa rakaipa pakati peMDC nevamwe vakuru vemauto avo vanopika kuti VaTsvangirai havafe vakatonga nyika. Zimbabwe yakambotumira mauto kuMozambique zviri pamutemo kubva muna1985 kunorwisa RENAMO kusvika muna 1992.

Asi nyanzvi munyaya dzezvemauto kusanganisirawo munyori mukuru weSADC, VaTomaz Salomao, vanoti havaone RENAMO ichidzokera musango nekuti haichina uto rakasimba. Hurumende yeMozambique iri kuyedzawo kutaura neRENAMO.

Zimbabwe haisati yataura kuti ichokwadi here kuti pane mauto akaendeswa kumuganhu neMozambique.

Mumwe wevakuru musangano reZimbabwe Democracy Institute, VaPedzisayi Ruhanya, avo vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika uye vachiita zvidzidzo zvepamusoro paWestminster University vanoti mauto anofanira kuremekedza mitemo yenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG