Accessibility links

Breaking News

America Yotuma Dzimwe Nhumwa Mbiri Kuti Dziongorore Mamiriro eZvinhu muZimbabwe


US House subcommittee on Africa members, Gregory Simkins (L) and Piero Tozzi (R)
US House subcommittee on Africa members, Gregory Simkins (L) and Piero Tozzi (R)

Vamwe vashandi vakuru vaviri vedare reparamende yekuAmerica vari kushanya munyika nechinangwa chekuongorora kuti zvinhu zvakamira sei munyaya dzekodzero dzevanhu nedzimwe kuitira kuti vavandudze mutemo wenyika unobata Zimbabwe, weZimbabwe Democracy Recovery Act, ZIDERA, uyo wakdzikwa muna 2001.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vachitaura nevatori venhau muHarare, vari kutungamira chikwata chevarume vaviri ava, VaGregory Simpkins, avo vanove mukuru wevashandi mukomiti yeparamende inoona nezveAfrica, US House Subcommittee on Africa, Health, Human Rights and International Relations, vati pane zvakawanda zvashanduka kubva pakadzikwa mutemo uyu uye wave kuda kushandurwa kuitira kuti uratidze zviri kuitika muZimbabwe.

VaSimpkins, avo vari kushanya negweta rekomiti iyi, VaPiero Tozzi, vati kunyange hazvo pane zvakasanduka zvakaita sekuti Zimbabwe yakabvisa mauto ayo kuDemocratic Republic of Congo, pane zvinhiji zvisati zvashanduka.

Vati hurumende iri kuramba ichityora kodzero dzevanhu, vatori venhau vari kumbunyikidzwa pamwe nevemabhizimisi. Vati izvi zvinofanira kugadziriswa kuitira kuti nyika mbiri idzi dzikwanise kufambidzana pasina kutemerana zvirango.

Vati America inoda chose kuti Zimbabwe ibudirire uye mutemo weZIDERA wakanangana nekuita izvi kwete kubvisa hurumende pachigaro. Vati kana Zimbabwe ikaita sarudzo dzakachena, vanhu vanogara zvakanaka uye panoita kudyidzana nedzimwe nyika pasina mutauro.

VaSimpkins vatiwo zvakakosha kuti mapato anopikisa munyika apinde musarudzo vachiti kana akasapinda musarudzo zvinoreva kuti haazokwanisi kupikisa kana kutsoropodza chitsotsi chinoitika musarudzo idzi sezvo anenge asingazive chikiribidi chinenge chichiitika musarudzo.

Asi mutauriri webato guru rinopikisa reMovement for Democratic Change inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaObert Gutu, vati danho ravo rekusapinda musarudzo rakanaka chose uye vanoda kuti patange pave neshanduko yemandorokwati pamitemo yesarudzo.

Vati hurumende yeAmerica yakasununguka kuongorora kuti zvinokodzera here kuti idyidzane zvakare nehurumende yeZimbabwe. VaGutu vaenderera mberi vachit semaonero ebato ravo, hurumende yeZanu PF haikodzeri kunge ichiwana rutsigiro kubva kunyika dzine hutongi hwejekerere.

Hatina kukwanisa kunzwa divi reZanu PF panyaya iyi sezvo mutauriri webato iri, VaSimon Khaya Moyo, vange vasiri kudaira mbozhanhare yavo.

Vanoongorora zvemangerwo enyika vachishanda vakazvimirira, VaFortune Gwaze, vati Zimbabwe inoda chose kudyidzana neAmerica asi yave kunyara kungoita zvinodiwa neAmerica kuti hukama hugadziriswe.

Chikwata chaVa Simpkins chakatarisirwa kuita musangano nemutevedzeri wemungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, makurukota ehurumende, masangano anoshanda akazvimiri pamwe nemapato anopikisa kuti chione kuti zvinhu zvakamira sei munyika panyaya dzekodzero dzevanhu nezvimwe zvakasiyana siyana.

Kushanya kwechikwata ichi kunotevera musangano wakaitwa nekomiti yaVaSimpkins kuWashington pamusoro peZimbabwe mukutanga kwemwedzi uno pamwe nekushanya kwechimwe chikwata cheState Department chaitungamirirwa nemumwe mukuru wehurumende yeAmerica mubazi iri, Doctor Shannon Smith.

Komiti yaVa Simpkins ndiyo komiti yakabatsira mukunyorwa kwemutemo weZIDERA.

XS
SM
MD
LG