Accessibility links

Breaking News

Mabhanga Oramba Achiti Kwete kuZvibvumirano Zvakapihwa Varimi Vatsva


Varimi vatsva vakawanda vanonzi vari kukundikana kuwana zvikwereti kumabhanga
Varimi vatsva vakawanda vanonzi vari kukundikana kuwana zvikwereti kumabhanga

Varimi vakagariswa patsva vanga vachifunga kuti vachakwanisa kushandisa minda yavo sechibatiso kuti vakwanise kuwana zvikwereti kumabhanga vanenge vachamirira kwenguva ndefu sezvo vemabhanga vachinzi vari kuti pachine zvakawanda zvinoda kugadziriswa vasati vatambira zvibvumirano zvine varimi zvekuti vashandise ivhu kana kuti ma 99-year leases.

Sangano revemabhanga, reBankers Association of Zimbabwe, rakaudza bepanhau reThe Herald kuti kunyange hazvo gurukota rezvekurima, VaDouglas Mombeshora, vakambozivisa kuti zvimhingamipinyi zvaitadzisa varimi kushandisa ivhu kuti vawane zvikwereti zvakanga zvagadziriswa, pachine zvakati kuti zvisati zvagadziriswa.

Zvinonzi nyaya hombe iri kuita kuti vemabhanga vatsike madziro ndeyekuti ivhu nderehurumende zvichireva kuti zvivakwa zvinenge zvaiswa nemurimi ndizvo chete zvinenge zvoshanda sechibatiso kumabhanga.

Hurumende yakazivisa kuti varimi vanenge voshandisa zvibvumirano zvavo nehurumende zvekuti vashandise ivhu rayo kwemakore makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe sezvibatiso kuti vakwanise kuwana zvikwereti kumabhanga.

Nyanzvi mune zveupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vanoti hurumende inofanirwa kutanga kuchifunga nezvekupa varimi ma title deeds kana ichida kuti nyaya dzekurima dzisimukire munyika.

Ukuwo bato rinopikisa reMDC Renewal Team riri kukurudzirawo hurumende kuti iwanise ivhu kune zvizvarwa zveZimbabwe zvose zvisineyi nekuti munhu anotsigira bato ripi rezvematongerwo enyika.

Izvi zvakabuda pamusangano wemazuva maviri wakaitwa muHarare nebato iri paikurukurwa zvinetswa zvakatarisana nenyika.

MDC Renewal Team yakatiwo chinofanirwa kuchiitwa iye zvino kuona kuti vanhu vakawaniswa minda vapiwa zvivimbiso zvekuti ndivo varidzi veminda iyi senzira yekusimudzira nyaya dzekurima uye kuitira kuti varimi ava vakwanisewo kuwana zvikwereti kubva kumabhanga.

Hurukuro naVaProsper Chitambara
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG