Accessibility links

Breaking News

Mumwe Muimbi Oshora Mhirizhonga muSouth Africa


South Africa Immigrant Attacks
South Africa Immigrant Attacks

Mumwe muimbi ane mukurumbira, uyo anozviti Doctor Tawanda Benson, anoshandira ari muBotswana, anoti vaimbi navananyanduri vane basa rekubatsira kurwisa zvakaipa sezviri kuitika muSouth Africa.

Doctor Tawanda Benson akabatana nemumwe muimbi wekuSouth Africa, Chomza Mogwera, akanyora nekutsikisa rwuyo rwunoshoropodza mhirizhonga iri kuitika muDurban mu South Africa.

Doctor Tawanda Benson anoti rwuyo rwavo rwuchatanga kuridzwa panhepfenyuro munguva shoma inotevera. Asi pari zvino runowanikwa pachena padandemutande reFacebook neSound Cloud.

Muimbi anotiwo kunyange hazvo zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvakatarisa nematambudziko ekusabatwa zvakanaka, iye nevamwe vake vari muBotswana havasati vasangana nezviri kuitika muSouth Africa.

Doctor Tawanda Benson anoti akapihwa zita raanoshandisa zvichitevera kuridza mimhanzi kwavaiita zvine hunyanzvi hwepamusoro soro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG