Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vobatira Ura Mumaoko muDurban, South Africa


Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muDurban kuSouth Africa zvinoti mhirizhonga ichiri kuenderera mberi mune dzimwe nzvimbo dzinogara veruzhinji.

Mhirhonga iyi iri kukonzerwa nezvizvarwa zvemuSouth Africa zviri kuti vekune dzimwe nyika vari kutora mabasa avo, nokudaro ngavadzokere kunyika dzavo.

Mamwe masangano anorwira kodzero dzevanhu ari kushora zviri kuitika muSouth Africa uye ari kukurudzira hutungamiri hwenyika iyi kuti humise mhirizhonga iyi.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muSouth Africa, Va Simba Mandaza, vanoti zviri kunetsa ndezvekuti mhirizhonga iyi iri kunyanya kuwanda kunogara veruzhinji avo vagara vakatarisana nematambudziko akawanda.

VaMandaza vanoti neChipiri muguta re Durban mange makazara mapurisa achiedza kudzivirira mhirizhonga.

Asi VaMandaza vanoti zviri kunyanya kurwadza ndezvekuti kunyange zvinhu zvakaoma muDurban nedzimwe nzvimbo muSouth Africa, ivo nevamwe vavo havakwanisi kudzokera kuZimbabwe sezvo zvinhu zvisati zvagadzikana munyaya dzehupfumi nezvematongerwa enyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG