Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vokurudzirwa Kuvhenekwa Chirwere cheShuga


Vanhu vakawanda munyika vanonzi vari kurarama nechirwere cheshuga vasingazive kuti vanacho.

Mukuru wesangano re Zimbabwe Diabetic Assocaiton, Va Ngoni Chigwana, vanoti veruzhinji vanofanirwa kuenda kuzvipatara kunovhenekwa chirwere ichi nguva ichiripo kuitira kuti vawane rubatsiro kana vaine chirwere ichi.

Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti vanhu vakasawana rubatsiro nguva ichiripo, vazhinji vavo vanozopedzisira vosangana nematambudziko ezvironda zvisingarapike kunyanya mumakumbo izvo zvinozoita kuti vadamburwe makumbo aya.

Vamwewo vanotarisana nedambudziko remaziso izvo zvinogona kukonzera kupofomara kana matambudziko aya akatadza kurapwa nguva ichiripo.

VaChigwana vanoti zvakakosha kuti vanhu vawane ruzivo rwakakwana pamusoro pechirwere ichi sezvo chichikwanisika kuraramika nacho kana chikakurumbidzirwa uye murwere akatevedzera zvaanenge audzwa navana chiremba kuti apote achiita.

Mumwe mudzimai ari kurarama nechirwere cheshuga, Amai Ndlovu, avo vanogara kuGwanda, vanoti zvakavatorera nguva kuti vazive kuti vane chirwere ichi asi vari kufara sezvo pari zvino vave kushandisa nzira dzavakaudzwa navana chiremba kuti vabatsirikane pachirwere ichi.

Amai Ndlovu vanokurudzirawo veruzhinji kuti vaende kunovhenekwa kuti kana vane chirwere ichi vawane rubatsiro pachiri nenguva.
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG