Accessibility links

Breaking News

Vana Mukoti Voenderera Mberi Vachiramwa Kushanda Manheru


Vana mukoti vari kuenderera mberi nekuramwa kushanda husiku vachiti vanoda kutanga vabhadharwa mari dzavari kuda.

Zvipatara zvine dambudziko iri zvinosanganisira Chinhoyi, Chitungwiza, Harare neParirenyatwa. Vamwe munyaya dzehutano vanoti kuramwa mabasa uku kunogona kupararirawo muzvipatara zviri mumaguta akasiyana siyana.

Vana mukoti vanoti havasi kufara nekunonoka kupera kuri kuita nhaurirano pakati pesangano ravo reZimbabwe Nurses Association nesangano re Health Services Board pamusoro pemari dzemihoro.

Mumwe mukoti, Amai Nyasha Dube, vanoti basa ravo nderekuchengetedza hupenyu hwevanhu asi shuwiro yavo ndeyekuti vapihwewo mari inoenderana nebasa ravanoita.

Vana mukoti vakatanga kuramwa kushanda husiku Chishanu svondo rapera.

Gurukota rezvehutano, Dr David Parirenyatwa, vari kukurudzira vana mukoti kuti vadzokere kumabasa panguva iyo nhunha dzavo dzichigadziriswa.

Asi vana mukoti vanoti hurumende inofanirwa kugadzirisa zvinhu vana mukoti vasati vadzokera pabasa sezvo pasina zvakati tsvikiti zviri kubuda kubva muna 2010 payakavimbisa kugadzirisa dambudziko iri.

XS
SM
MD
LG