Accessibility links

Breaking News

Amnesty Yokurudzira Africa Kuremekedza Kodzero dzeVanhu Vose Zvisina Rusarura


Amnesty International LOGO
Amnesty International LOGO

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vasimuka munyika neChishanu vakananga kuSouth Africa kumusangano wechimakumi maviri neshanu wevatungamiri venyika nedzihurumende dzemuAfrica dziri musangano reAfrican Union.

Musangano uyu uri kuitirwa muJohannesburg.

Vatungamiri venyika vari kutanga kusangana neSvondo kusvika Muvhuro. Asi vatungamiri ava vasati vatanga kusangana, pange paine misangano yakati kuti yakatanga musi weSvondo.

Gwaro reAU rinoti VaMugabe sasachigaro ndivo vanenge vachitungamira misangano iyi.

Musangano uyu uri kuitwa pasi pedingira rine chekuita nekuremekedzwa kwekodzero dzemadzimai nenyaya dzebudiriro mu Africa.

Dzimwe nyaya dzichazeyiwa dzinosanganisira hondo dziri muSomalia, Nigeria, kusagadzikana muBurundi, nyaya yekurwiswa kwezvizvarwa zvekune dzimwe nyika muSouth Africa uye kudyidzana kweAU nedare repasi rose re International Criminal Court.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mamwe masangano akazvimirira oga gumi nemaviri achitungamirwa ne Amnesty International ari kukurudzira vatungamiri vemuAfrica kuti vatarisise nyaya yemhirizhonga iri kuramba ichiitika muSouth Africa yakanangana nezvizvarwa zvekune dzimwe nyika.

Mukuru weAmnesty International kuchamhembe kweAfrica, VaDeprose Muchena, vanoti zvakakosha kuti vatungamiri vemuAfrica vaone kuti munyika dzavo mune runyararo pamwe nekuremekedzwa kwekodzero dzemunhu wese, zvisineyi kuti anobva kupi.

XS
SM
MD
LG