Accessibility links

Breaking News

Vanogara kuMaruva Voomerwa neHupenyu


Vanhu vazhinji vanogara kumaruva vanoti vari kunonga svosve nemuromo sezvo dhora riri kunesta kubatika nekuwondomoko kuri kuramba kuchiita hupfumi hwenyika.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti izvi zviri kukonzerwa nehupfumi hwenyika huri kuramba huchiondomoka.

Mumwe mudzimai wekumaruwa eBikita kuMasvingo, Amai Guvheya, vanoti vagari vemudunhu ravo havana mabasa uye zvirimwa zvizhinji zvakarohwa nezuva zvekuti goho regore rino harina kumira zvakanaka.

Amai Guvheya vanoti hurumende inofanirwa kugadzirisa hukama hwayo nedzimwe nyika dzekumavirira kwete kuramba vachichema nenyaya yezvirango zvakatemerwa nyika zvinonzi zviri kusunga hupfumi.

Amai Guvheya vanoti vechidiki havana mabasa izvo zviri kuita kuti vaite mabasa asina kutsarukana sezvo vasina zvimwe zvekuita.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG