Accessibility links

Breaking News

Zimbawe Yobatana neAfrica Union Mukucherechedza World AIDS Day


Zimbabwe yabatana nepasi rose mukurangarira zuva re International Aids Day pamabiko aitirwa kuVictoria Falls.

Chirongwa ichi change chichitsigirwa nedzimwe nyika dzemuAfrica dzichitungamirwa neAfrican Union.

Sangano reNational AIDS Council of Zimbabwe rinoti zvirongwa zvekuVictoria Falls zvafamba zvakanaka.

Izvi zvatsigirwawo neangano reAfrican Union iro rinoti riri kufara nemafambiro aita zvinhu kuVictoria Falls.

Vanyarikani vange vari kumusangano uyu vanosanganisira gurukota rezvehutano, Dr David Parirenyatwa, nenhumwa dzedzimwe nyika dzemu Africa.

Dingindira regore rino rinoti "Getting To Zero In Africa: Africa’s Responsibility, Everyone’s Responsibility".

Vanoona nezvekufambiswa kwemashoko musangano re National AIDS Council of Zimbabwe, Amai Tadiwa Pfupa, vanoti dzimwe nyika dzemu Africa dzafadzwa nezvirongwa zviri kuitwa neZimbabwe mukurwisa dambudziko re HIV/AIDS.

Munyori mukuru weUnited Nations, VaBan Ki-Moon, vari kukurudzira mabasa afambira mberi munyaya dzekurwisa HIV/AIDS pasi rose.

Mumashoko avatumira neMuvhuro pakucherechedzwa kweWorld AIDS Day, VaBan vataura pamusoro pekukosha kwekuwanira vanhu vose mishonga, zvikuru kuvana vadiki nemadzimai echidiki.

VaBan vakurudzira vatungamiri vepasi rose kuti vaite zvose zvavanogona mukuzadzisa zvisungo zvekuti pasi rose richange risina chirwere chemukondombera.

Chipangamazano munyaya dzeHIV/AIDS musangano reAfrican Union, Va Tawanda Chisango, vanoti dzimwe nyika dzemuAfrica dziri kuda kudzidza zvirongwa zviri kufamba zvakanaka muZimbabwe zvakaita se National AIDS Levy nechekudzivirira kutapuriranwa kwehutachiona kubva kuna amai kuenda kuvana pakuzvarwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG