Accessibility links

Breaking News

Zvirwere zveSTD Zvowanda Mune Vechidiki Munyika


‍‍Mishonga yeHIV/AIDS
‍‍Mishonga yeHIV/AIDS

Zvirwere zvepabonde mune vechidiki zvinonzi zviri kuramba zvichitekeshera munyika zvingangoita kuti HIV/AIDS iwande mune vechidiki.

Nyanzvi mune zvehutano dzinoti huwandu hwevechidiki vari kuenda kuzvipatara kunorapwa zvirwere zvepabonde huri kuwanda.

Vechidiki ava vanonzi ndevaya vari kuzvikoro nevachangobva zera.

Sangano re Inter Church Organisation for Develoment Co-operation Zimbabwe rinoti riri kushanda nevechidiki munharaunda dzakasiyana siyana munyika richivadzidzisa nezvezvirwere hwepabonde uye kuvakurudzira kuti vaende kuzvipatara kana vachifunga kuti vabatwa nezvirwere izvi.

Mukuru wezvirongwa zveHIV/AIDS musangano iri, Va Christon Zimbizi, vanoti kurudziro yavo ndeyekuti vechidiki vasatye kuenda kunotsvaga rubatsiro kana vatarisana nezvirwere zvepabonde.

"Kushanduka kwaita mararamiro evechidiki vanhasi kunosanganisira kutora zvinodhaka, kushaya nguva kwevabereki nevana pamusoro pemabasa, nezvimwewo ndizvo zvimwe zviri kuita kuti zvirwere izvi zviwande mune vechidiki pari zvino," Va Zimbizi vanodaro.

VaZimbizi vanoti zvakakosha kuti vechidiki vagare vakazvidzivirira kubva kuzvirwe zvepabonde sezvo zvimwe zvacho zvichizopedzisira zvokonzera kutapurirana kwehutachiwona hweHIV.

Hurukuro NaVa Christon Zimbizi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG