Accessibility links

Breaking News

Voruzhinji Vokurudzirwa Kuti Vangwarire Hutsi Hunobva Mumbaura


Mutungamiri wesangano re Zimbabwe Association of Doctors For Human Rights, Dr Rutendo Bonde, vanoti veruzhinji vanofanirwa kuchenjerera hutsi hunobva mumbaura uye havafanirwe kurara nadzo mumba sezvo dzichizokwanisa kukonzera njodzi kana dzikasashandiswa nemazvo.

Dr Bonde vanoti zvakakosha kuti vanhu vavhure mafafitera kunyange hazvo kuchitonhora kuita kuti mweya unoburitswa nembaura usarambe uri mudzimba idzi.

Vanhu vazhinji vari kubatwa nezvirwere zvechipfuva munguva ino yekutonhora.

Asi Dr Bonde vanoti zvizhinji zvinogona kuitwa kuti vanhu vazvidzivirire kubva kuzvirwere izvi.

Dr Bonde vanoti vanenge vabatwa nezvirwere zvakaita sedzihwa vanofanira kushandisa hutsanana hwakadayi sekugeza mawoko nekuvhara muromo kana vachinge vachikosora kuitira kuti vasaparadzire zvirwere zvakadayi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG