Accessibility links

Breaking News

Madzimai Okurudzirwa Kuongororwa Gomarara reChibereko


Zimbabwe Parliament
Zimbabwe Parliament
Imwe nhengo yeseneti, Amai Rorana Muchihwa, vanoti chirongwa chekuongororwa gomarara rechibereko munhengo dzemadzimai dziri muparamende chakakosha sezvo chichadzidzisa veruzhinji pamusoro pechirwere ichi.

Senator Muchihwa, avo vanomirira dunhu re Hwata muHarare mudare reseneti vanoti vari kufara nekufamba kuri kuita chirongwa chavo.

Pasi pechirongwa ichi sangano ne Population Services International Zimbabwe rakabana neparamende ye Zimbabwe mukudzidzisa nhengo dzechidzamai dzeparamendi kukosha kwakaita kuwongororwa chirwere chegomara pachiri nenguva.

Amai Muchihwa vanoti vachatora zvidzidzo zvavakawana pasi pechirongwa ichi kuti vadzidzise veruzhinji vemumatunhu avanoshandira kukosha kwakaita kuongororwa gomarara.

Amai Muchihwa vanoti ivo nedzimwe nhengo dzeparamende vachatanga kushanya kumatunhu akasiyana siyana uko vachanodzidzisa veruzhinji nezvegomarara nechibereko.

Sangano re Cancer Association of Zimbabwe rinoti chirwere chegomarara ringava rechibereko kana rezamu, ndicho chimwe chezvirwere zviri kuuraya madzimai akawanda pari zvino.

Amai Muchihwa vanoti madzimai havafanire kutya kuongororwa gomara nekuti zviri nani kuziva paumire kuitira kuti ukwanise kupihwa rubatsiro pachiri nenguva.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



.
XS
SM
MD
LG