Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveZimbabwe Zvitatu Kubva muMhuri Imwe Chete Zvoshaya Mutsaona muAmerica


Chimwe chizvarwa chemuZimbabwe VaNorris Ncube, mwana wavo mukoma nemuzukuru wavo vakashaya munjodzi yemumugwagwa kuIndianapolis muAmerica nemusi weChipiri.

Mwanakomana waVaNcube akashaya anonzi Joshua ane makore gumi nemaviri uye Malia Siziba ane makore mashanu.

VaNcube avo vakaberekerwa kuMidlands Province muZimbabwe vainge vachityaira motokari pmawe nevana vashanu vachienda kuchikoro cheIndianapolis Junior Academy uko vaive murairidzi. VaNcube vakauya kuAmerica muna 1999 vakaita zvidzidzo zvepamusoro paIndiana State University.

Vakaona tsaona ichiitika vanoti VaNcube vakadhumwa nemotokari isina kumira parobhoti iro rainge ratotsvuka.

Pane fungidziro yekuti munhu akadhuma motokari yavo akatanga kurwara achityaira zvakapa kuti atadze kumisa motokari yake. Mapurisa anonzi achiri kuenderera mberi achiferefeta nyaya iyi.

Mutauriri wemhuri, VaMuzi Ncube vaudza Studio 7 kuti mhuri yavo yarasikirwa zvikuru uye havazivi kuti votangira papi.

XS
SM
MD
LG