Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzinoti Danho reEU reKudyidzana Zvakare neZimbabwe Rakakosha


Sangano reEuropean Union rakatemera Zimbabwe zvirango muna 2002
Sangano reEuropean Union rakatemera Zimbabwe zvirango muna 2002

Mushure memakore anodarika gumi pasina kudyidzana pakati peZimbabwe nesangano reEuropean Union, EU, misuwo yakazozarurwa nemusi weMuvhuro svondo rino apo sangano iri rakapa Zimbabwe mari inosvika $267 million.

Sangano re EU rakanga rakatemera Zimbabwe zvirango mushure mekunge hurumende yatanga kubvuta mapurazi kubva kuvachena pamwe nekubiridzirwa kwesarudzo dzakaitwa muna 2002.

Mari yakabviswa nesangano iri inonzi ichabatsira munyaya dzehutano, budiriro mune zvekurima pamwe nehutongo hwakanaka.

Munguva yehurumende yemubatanidzwa hurumende yakaumba chikwata chevanhu vatatu vaiti VaPatirck Chinamasa veZanu PF, VaElton Mangoma vaimirira MDC T, naAmai Priscillah Misihairambwi, veMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube, icho chakapihwa basa rekukurudzira EU nedzimwe nyika kuti dzibvise zvirango zvakatemerwa nyika.

Sangano iri rakazobvisa vanhu nemakambani vaive pazvirango asi zvakasarira pamutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nemudzimai wavo, Amai Grace Mugabe, nekambani yeZimbabwe Defence Industries.

Vanoongorora zvematongerwo enyika uye vari nhengo yeZanu PF, VaGadzira Chirumhanzu, vanoti European Union yakaona zvakakosha kuti itange zvakare kudyidzana neZimbabwe sezvo pasina zvayakaburitsa kubva muzvirango zvayo.

Asi mukuru wesangano revechidiki reYouth in Democracy Initiative of Zimbabwe, VaSydney Chisi, vanoti EU yakanga yaona kutambura kuri kuramba kuchiita vana veZimbabwe pasi pehutongo hweZanu PF, izvo zvakaita kuti sangano iri ribvise zvirango uye kutanga kupa rubatsiro.

Chikwata chevemabhizimusi vekunyika dzekumawirira dzinosanganisira Britain neFrance chakanga chiri munyika mazuva mashoma apfuura chichiitawo hurukuro dzekutsvaga kumutsiridza hukama nehurumende yaVaMugabe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG