Accessibility links

Breaking News

VaKhama Votora Chigaro chaSachigaro weSADC


Va Ian Khama
Va Ian Khama

Mutungamiri weBotswana, VaSeretse Khama Ian Khama, neMuvhuro vakatora chigaro chasachigaro weSADC kubva kumutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Izvi zvaitwa pakuvhurwa kwemusangano weSADC uri kuitirwa muGaborone.

Vatungamiri veSADC vanotora majana ekutungamira SADC kwegore rimwe chete.

Musangano weSADC uyu uchapera neChipiri uye dingindira rawo rakanangana nekukurudzira budiriro munyaya dzezvehupfumi mudunhu kuburikidza nemaindisitiri.

VaKhama vari kuenda panyanga apo SADC yakatarisana nekusagadzikana munyika dzakaita seMadagascar, Lesotho neSwaziland.

Zvinhu hazvinawo kumira zvakanaka muzimbabwe.

Bato guru rinopikisa reMDC ratumirawo nhumwa kuna VaKhama richivakumbira kuti vaonewo kuti SADC yazeya nyaya yeZimbabwe vachiti zvinhu munyika hazvina kumira zvakanaka munyaya dzezvehupfumi nezvematongerwo enyika.

Vachitaura pakuparurwa kwemusangano wevatungamiri uyu, VaKhama vati chishuwo chavo ndechekuda kuona kuti SADC yabudirira munyaya dzezvehupfumi uye yagadzikana munyaya dzezvematongerwo enyika nekuwana rukudzo kubva kunyika dzepasi rino.

VaMugabe vakataurawo pamusangano uyu vachiti zvinhu zviri kufamba zvakanaka muSADC vachiti dunhu iri ndiro rakagadzikana kudarika mamwe matunhu ose emuAfrica.

Mashoko aVaRobert Mugabe
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, sangano rinorwira kodzero dzevanhu reHuman Rights Watch rakurudzira SADC kuti ikoshese nyaya dzekuchengetedzwa kwekodzero dzevanhu richiti nyika dzemuSADC dziri kutyora kodzero dzevanhu zvakanyanya.

Chipangamazano musangano reHuman Rights Watch, VaDewa Mavhinga, vanoti vatungamiri veSADC vakawanda vari kutyora kodzero dzevanhu.

Hurukuro naVaDewa Mavhinga
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, mutungamiri wesangano revemabhizimisi reAssociation of SADC Chamber of Commerce and Industry, VaOswell Binha, vanoti vemabhizimisi havasi kufara nenyaya yekuti vatungamiri venyika dzemuSADC havasi kuda kutambirawo pfungwa dzavo kuti paite mubatirapamwe chuma chemuzukuru mukugadzirisa nyaya dzezvehupfumi.

Hurukuro naVaOswell Binha
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG