Accessibility links

Breaking News

Majeri emuZimbabwe Haichina Mudzimai Akamirira Kuurayiwa


Gweru Women Rapists-Chikurubi
Gweru Women Rapists-Chikurubi

Zimbabwe haichisina mudzimai kana mumwe chete zvake akamirira kuti aurayiwe mushure mekutongerwa rufu.

Mudzimai wekupedzisira ange akamirira kuurayiwa, Shylet Sibanda, akanzi ave kupika jere hupenyu hwake hwose zvichienderana nebumbiro idzva remitemo yenyika.

Sibanda, uyo ane makore makumi maviri nemapfumbamwe ekuberekwa, akatongerwa rufu pamwe nemurume wake, Tongai Zireni Mutengerere, muna 2010 mushure mekubatwa nemhosva yekuponda Daniel Sithole ndokumubira motokari yake.

Sibanda nemurume wake, vakabatsirwa nasahwira wavo Darlington Nyaungwa kuponda Sithole.

Gweta raSibanda, VaFadzi Mahere, vanoti Sibanda aburitswa kunogara vanenge vachida kuurayiwa kuChikurubi akaendeswa kunogara vari kupika jeri kwehupenyu hwavo hwose.

Vanotungamira sangano reInternational Commission of Jurists, VaArnold Tsunga, vanoti vanotambira zvaitwa nehurumende.

Nyanzvi munyaya dzezvemitemo, uye vari mutungamiri weNational Constitutional Assembly, Muzvinafundo Lovemore Madhuku, vanoti mutemo wemunyika unosungira varume pari pakati pemakore makumi vaviri nerimwe nemakore makumi manomwe kutongerwa rufu.

Asi VaTsunga vanoti mutemo wemunyika hauna kumira zvakanaka nenyaya yekusiyanisa varume nevakadzi.

Hurumende yave kukwenenzverawo bumbiro remitemo kuti rijekese nyaya iyi uye yakatova nebhiri rinonzi General Law Amendment Bill.

Mukuru wesangano reWitness to Innocence, iro rinounganidza vanhu vanenge vatongerwa rufu vasina mhosva, VaMagdaleno Leno Rose Avila, vaudza Studio 7 kuti vanhu vakawanda zvikuru varombo vanotongerwa rufu vasina mhosva.

Vatiwo muAmerica mune vanhu vanosvika zana nemakumi mashanu nemana vakatoburitswa mujeri nekuti vainge vasina mhosva.

Gweta, uye vari chipangamazano muHuman Rights Watch, VaDewa Mavhinga, vanoti hurumende haifanire kupihwa simba rekutongera vanhu rufu.

Vanoona nezvedzidzo musangano reZimbabwe National Traditional Healers Association, Sekuru Peter Sibanda, vanoti pachivanhu hapana munhu aitongerwa rufu asi kuti mhosva yairipwa.

Asi VaSibanda vatenda kuti maripiro engozi asiyana zvishoma nakare zvikuru pakushandisa vana.

Sangano reAmnesty International rinoti huwandu hwevanhu vakatongerwa rufu muna 2014 hwakakwira nevanhu vanopfuura mazana mashanu zvichikonzerwa zvakanyanyaya nehondo iri kuNigeria neEgypt.

Asi China, iyo inonzi yakauraya vanhu vanopfuura zviuru zviviri nemazana mashanu, ndiyo ichiri pamusoro panyaya yekuraya vanhu.

Dzimwe nyika shanu dzinotongera vanhu rufu zvakanyanya iIran, Saudi Arabia, Iraq neAmerica.

Nyaya Ina BLessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG