Accessibility links

Breaking News

Komiti yeDare reCongress muAmerica Yozeya Nyaya yeKudyidzana neZimbabwe


President Obama
President Obama

Komiti yedare reCongress remu America inoona nezvekodzero dzevanhu neChitatu yakatanga kunzwa nyaya yemamiriro akaita zvinhu muZimbabwe munyaya dzezvematongerwo enyika, zveupfumi pamwe nekuremekedzwa kwekodzero dzevanhu, muhurukuro yakanangana neremangwana rehukama hwe America neZimbabwe.

Hurukuro iyi inotarisirwa kunan’anidza hukama hwenyika mbiri idzi pari zvino uye nekunge mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe, avo vagara pamasimba kubva pakawana nyika kuzvitonga kuzere muna 1980, vazobva pachigaro.

Vaipa huchapupura pamusangano uyu mutevedzeri wemunyori anoona nezveAfrica mubazi rezvekunze kweAmerica, amai Shannon Smith, VaBen Freeth vanowe mukuru we Mike Campbell Foundation pamwe namuzvare Imani Countess, vanove mukuru anoona nezvedunhu reAfrica musangano re The Solidarity Center.

Amai Shannon vakabva kushanyira Zimbabwe masvondo mashoma adarika, uko vakaita misangano nevakuru vakuru vehurumende, vemapato anopikisa pamwe nevemasangano akazvimirira.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachishanda vakazvimirira, VaCharles Mutasa vanoti havaone paine chinochinja panyaya yekudyidzana kweZimbabwe neAmerica.

Hurukuro Ina VaCharles Mutasa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG