Wednesday, October 22, 2014 Local time: 22:21

Nhau / Vanhukadzi

Nyaya yeVarimi Vachena Vasara Yotemesa Hurumende Musoro

x
Blessing Zulu
Paita ropa rakaipa pakati pemakurukota eZanu-PF nevamwe vakaoma musoro muhurumende panyaya yekuti poitwa sei nevarungu vachiri pamapurazi.

Mamwe makurukota ehurumende achitsigirwa nehofisi yemuchuchusi mukuru wenyika, VaJohannes Tomana, anoti varimi ava vanofanira kubviswa pamapurazi kuitira kuti vanhu vakapihwa tsamba dzekuti vave varidzi vemapurazi aya vatange kurima.

VaTomana vanoti bazi rezveminda rinotungamirwa naVaHerbert Murerwa harisi kubvisa vanhu pamapurazi zvopa kuti chirongwa ichi chinonoke kupera.

Vamwe vanoti vachena vasara ngavapihwe  ndima dzekurima uye paitwe imwe ongororo yekuti vakatora minda kusvika pari zvino ndivanani.

Asi izvi zviri kurambwa nevamwe. VaMurerwa vaudza Studio 7 kuti havachina mashoko ekutaura panyaya iyi.

Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvekurima, VaMoses Jiri veMDC-T, vanoti zviri kuitwa muhurumende zvinonyadzisa nekuodza moyo.

Hurukuro naVaJohannes Tomana
Hurukuro naVaJohannes Tomanai
|| 0:00:00
...
 
🔇
X

Hurukuro naVaMoses Jiri
Hurukuro naVaMoses Jirii
|| 0:00:00
...
 
🔇
X
  • LiveTalk
    30 min

    LiveTalk

    Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals...

  • Studio 7
    30 min

    Studio 7

    Studio 7 for Zimbabwe provides comprehensive and reliable radio news seven days...

Facebook