Accessibility links

Breaking News

VaMsipa Vokurudzira Vari Kunze Kutanga Mabhizinesi Kumusha


US ZIM DELEGATION
US ZIM DELEGATION

Vana muzvinabhizinesi vange vari kushanya muAmerica svondo rapera vanoti vakafadzwa nemafambiro akaita misangano yavo nemapazi ehurumende yeAmerica, World Bank pamwe nezvizvarwa zveZimbabwe zviri munyika iyi.

Mutungamiri wevanamuzvinabhizinesi ava, VaCharles Msipa, vanoti pane mabhizimisi mazhinji anokwanisa kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika mukusimudzira hupfumi hwenyika.

Sangano rinobatanidza vana veZimbabwe vari muAmerica re Zimbabwe Diaspora Network North America, ZDNNA, rakaronga musangano mukuru kupera kwesvondo rapera apo zvizvarwa zveZimbabwe zvaizeya navana muzvinabhisinesi ava nzira dzekudyidzana.

Mumiriri we Zimbabwe muAmerica, Va Ammon Machingambi Mutembwa, vakati zvakakosha kuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvibatane uye zvirongeke kuitira kuti kudyidzana kwazvo navana muzvinabhisinesi vekumusha kuite nyore.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG