Accessibility links

Breaking News

ZFTU Yoyambira Makambani Kuti Adzosere paMabasa Vashandi Vakadzingwa Basa


Rimwe remasangno anomirira vashandi munyika re Zimbabwe Federation of Trade Unions kana ZFTU nhasi rapa varidzi vemakambani mazuta matatu kuti vadzosere pabasa vashandi vavakadzinga zvichitevera mutongo wedare reSupreme Court uyo unoti vashandirwi vanogona kungoita madiro aJojina pakudzinga vashandi basa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Munyori mukuru musangano re ZFTU , Va Kennias Shamuyarira, vati sangano ravo harisi kufara kuti huwandu hwevanhu vari kudzingwa mabasa zvichitevera mutongo we Supreme Court uyu, huri kuramba huchikura.

Va Shamuyarira vati varidzi vemakambani aya vanofanira kudzosera vashandi pamabasa mazuva matatu asati apera vachiti vemakambani aya vakaregedza kudzosera vashandi vavakadzinga pamabasa vachatora matanho akakura kwazvo.

Zvinonzi kune vanhu vanodarika zviuru zvipfumbamwe vadzingwa mabasa mumakambani akasiyana-siyana kubva pakaturwa mutongo uyu ne Supreme Court.

Amai Vimbai Chinyama avo vanoshanda nerimwe remasangano anomorira vashandi re Zimbabwe Congress of Trade Unions vanoti vashandi vazhinji havachazivi kuti ramangwana ravo rakamira sei pakatariswa mutongo we Supreme Court uyu.

Amai Chinyama vakurudzira mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, kuti vashandise masimba avanawo pasi pebumbiro remitemo yenyika kuti vamise kudzingwa kuri kuitwa vashandi vazhinji.

Mutongo wakaturwa ne Supreme Court uyu, uyo unoti mushandirwi anogona kudzinga mushandi mushure mekumupa mwedzi mitatu yekumuzivisa kuti ave kumiswa basa.

Mutongo uyu uri kupikiswa mumatare uye nyaya iyi yakatarisirwa kunzwikwa neChishanu.

Mune imwewo nyaya, vatungamiri vesangano rinomirira vanotengesa mumigwagwa re National Vendors Union of Zimbabwe, Va Samuel Wadzai pamwe naVa Sten Zvorwadza nevamwe vanotengesera mumigwagwa vavakasungwa navo, vapihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso pamhosva yavari kupomerwa yekuita mhirizhonga nemapurisa ekanzuru ye Harare.

Mutongi wedare, Va Hapias Zhou, vati mumwe nemumwe abhadhare madhora makumi mashanu semari yechibatiso uye kuti vose vane mapasipoti vaasiye kudare uye kuti vasungwa vese ava vazvipire kumapurisa kamwe chete mumasvondo maviri oga oga kudzamara nyaya yavo yapera kunzwikwa mumatare.

XS
SM
MD
LG