Sangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions (ZCTU) rashora zvikuru kuurayiwa nemapurisa emu South Africa kwevashandi vekambani yemighodi inochera simbi kunyika iyoyo neChishanu.
Mapurisa anonzi akapfura akauraya vashandi makumi matatu nevana, mumhirizhonga yakaitika pamugodhi wekambani yekuBritain, yeLonmin.
Mapurisa anoti akatora danho iri achizvidzivirira nekuti vashandi ava vakanga vakapakatira zvombo vachida kurwisana nemapurisa.
South Africa Mine Violence
Mhirizhonga iyi yakatanga mushure mekurwisana kwemasangano anomirira vashandi, reNational Union of Mineworkers nere Association of Mineworkers and Construction Union.
Munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo, vaudza Studio7 kuti zvakaitika zvaifanirwa kunge zvakadzivirirwa.
Hurukuro naVa Japhet Moyo
Vashandi veLonmin vakanga vari pakuramwa mabasa vachiti vanoda kuwedzerwa mari dzavanotambira kubva pazviuru zvina zvema rands kusvika pazviuru gumi nezviviri pamwedzi.
Mapurisa akazopindira munyaya iyi ndokutanga kurwisana nevashandi vanonzi vakanga vakapakatira mapfumo nepfuti.
Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kuti pane vakashaya pane zvizvarwa zveZimbabwe here sezvo zvizhinji zvacho zvichishanda mumighodhi.
Masangano evashandi akawanda muSouth Africa nepasi rose ashora zvikuru chiitiko ichi. Mapurisa anoti achiri kuferefeta nyaya iyi, uye mighodi yeLonmin yese kuSouth Africa yambovharwa.