Accessibility links

Breaking News

ZBC Inodzinga Vashandi Mazana Matatu


ZBC
ZBC

Zimbabwe Broadcasting Corporation, ZBC, yadzinga basa vashandi vanosvika mazana maviri nemakumi masere ane vaviri.

Vadzingwa basa vanosanganisira vamwe vatori venhau vanga vava nemakore anodarika makumi matatu vari pabasa.

Vane ruzivo nezviri kuitika ku ZBC vanoti Voice of Zimbabwe, iyo inotepfenyura iri kuGweru, yavharwa ikasara isisina vanhu, sezvo vashandi vose vamiswa basa.

Voice of Zimbabwe yakavhurwa muna 2002 pasi pechirongwa chevaive gurukota rezvekuburitswa kwemashoko panguva iyi, Va Jonathan Moyo.

Vatori venhau nevamwe vashandi vapihwa matsamba ekusiya basa neChitatu vachiudzwa kuti basa rapera neChitatu Nyamavhuvhu 12.

Vamwe vanonzi vaenda kubasa vachibva vatambidzwa tsamba idzi izvo zvinonzi zvapa kuti vamwe vacheme nekurwadziwa.

Tsamba dzekusiya basa idzi dzinonzi dzakanyorwa nevakafanobata chigaro chemukuru we ZBC, VaPatrick Mavhura.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti ZBC inofanirwa kugumura vanhu vanosvika mazana mana kuitira kuti ikwanise kubhadhara vashandi vayo.

Kunyange hazvo vamwe vasara vari pabasa, hurongwa hwekudzinga vashandi hunonzi hucharamba huripo kudzamara ZBC yagumura vashandi sezviri kudiwa nehurumende.

Sangano revashandi re Zimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, rinoti vashandi vanodarika makumi maviri ezviuru vadzingwa basa kusvika pari zvino kubva pakaturwa mutongo nedare reSupreme Court wekuti vashandirwi vanogona kudzinga vashandi chero nguva kana vasisakwanisi kuvabhadhara.

Asi mutongo uyu unosungira vashandirwi kupa vashandi mwedzi mitatu sechiziviso.

Studio7 haina kukwanisa kubata komiti yevashandi veku ZBC kuti tinzwe kuti zvinhu zviri kufamba seyi.

Asi Mavhura vabvuma kuti ichokwadi kuti vamisa basa vashandi sezvo kambani yavo yanga yoremerwa nemihoro.

Mukuru wezvirongwa musangano re Misa Zimbabwe, VaThabani Moyo, vanoti kudzingwa kwaitwa vatori venhau kuchaita kuti veruzhinji varasikirwe nemukana wekuwana nhau nemashoko munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG