Accessibility links

Breaking News

Vechidiki muZanu PF Vanorambidzwa Kuratidzira neMapurisa


Mapurisa emuHarare arambidza neChina vechidiki vebato reZanu PF kupinda mugwagwa vachinyunyuta nehuwori pamwe nekushungurudzwa kwenhengo dzebato iri pachikoro chinodzidzisa varairidzi cheBelevedere Technical Teacher’s College.

Mapurisa emuHarare arambidza neChina vechidiki vebato reZanu PF kupinda mugwagwa vachinyunyuta nehuwori pamwe nekushungurudzwa kwenhengo dzebato iri pachikoro chinodzidzisa varairidzi cheBelevedere Technical Teacher’s College.

Mukuru wemapurisa muHarare Central District, Chief Superitendent Norbet Saunyama, vakaudza vechidiki ava nezuro kuti vambomira kuratidzira kudzamara zvinhu zvagadzikana muHarare.

Mune kurwisana nekupopotedzana pakati pezvikwata zveZanu PF munyika pamwe nemuHarare uye musi weMuvhuro chaiwo mapurisa akarambidza vechidiki vebato iri kuratidzira kuHarare South nekuda kwechikonzero chimwe chete.

Vechidiki ava vaida kuratidzira vachitsutsumwa nekuita kwenhengo yeparamende yebato iri, VaShadreck Mashayamombe, avo vanonzi ndevamwe mubato vange vasingadi kuti mudzimai wemutungamiriri wenyika, Amai Grace Mugabe, vatungamire madzimai muZanu PF.

Asi kunyange hazvo mapurisa ange arambidza vechidiki ava kuratidzira, vaungana paBelvedere Teacher College mangwanani apo vazorambidzwa kuzopinda mumugwagwa nemapurisa anodzivirira nyonga nyonga kana kuti anti-riot police.

Vechidiki ava vange vachida kufamba kubva pachikoro ichi vakananga kuparamende nekumuzinda webazi redzidzo yepamusoro kunosiya zvichemo zvavo.

Mumwe wevange vakaronga kuratidzira uku, uye vari munyori anoona nzvekufambiswa kwemabasa mubazi revechidiki muZanu PF mumusha weBelvedere, VaRichard Samunda, vati huwori hwanyanya pakoreji iyi.

Vanotiwo havasi kufara nenyaya yekuti vakasanobata chinzvimbo chemukuru wechikoro ichi, VaPatrick Chinhoro, vave kubviswa pachikoro nenyaya yekuti vari kurwisa huwori pachikoro ichi.

Vanoti kuratidzira kwavo hakuna kunangana nehurumende asi kwakanangana nevashandi vemubazi rehurumende vakaita semunyori webazi iri, VaWashington Mbizvo, avo vari kunenerwa mhosva yekutsigira huwori pakoreji iyi.

Vanoti vanofunga kuti VaChinhoro, avo vati inhengo yebato, vari kubviswa pakoreji iyi nenyaya yekuti vari kurwisa huwori.

Vanoziva zviri kuitika pakoreji iyi vanoti pakatodomwa munhu achenge achitungamira chikoro ichi kutanga temu inouya uye munhu uyu haasi VaChinhoro.

Hatina kukwanisa kutaura naVaMbizvo kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi uye VaChinhoro vati havataure nevatori venhau.

Mukuru werimwe remasangano anomirira vadzidzi, VaGilbert Mutubuki, vashora zvaitwa nevechidiki veZanu PF vachiti hazvinei nekurwisa huwori asi kuti zvine chekuita nemakakatanwa ekurwira zvinzvimbo ari mubato reZanu PF.

Ongororo yakaitwa nemahofisi aComptroller and Auditor General inoratidza kuti koreji yakarasikirwa nemari inodarika mazana mashanu ezviuru nemadhora nekuda kwehuwori hwaiitwa nemukuru aita basa rekubata mari pachikoro ichi pakati pa2009 na 2012.

Nyaya iyi yatove kumapurisa.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG