Accessibility links

Breaking News

Madzimai muZanu PF Anoda Kutungamirwa naAmai Grace Mugabe


Grace Mugabe
Grace Mugabe

Musangano wesangano remadzimai muZanu PF wapera muHarare uchikurudzira Politiburo yebato kuti idome mudzimai wemutungamiri webato, Amai Grace Mugabe, kuti vaitwe munyori weWomen's League.

Musangano uyu wabudawo nezvisungo zvekuti mutungamiri webato, uye vari mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vave ivo chete vachakwikwidza chegaro chemutungamiri webato pakongiresi yemuna Zvita.

Amai Mugabe vakatambirwa nePolitiburo vanenge votora chigaro changa china Muzvare Oppah Muchinguri.

Hazvisati zvabuda pachena kuti Muzvare Muchinguri vari kuda kukwikwidza chigaro chipi pakongiresi.

Zvigaro zvepamusoro zvitatu zvichakwikwidza tisingaise chemutungamiri webato zvinoti zviviri zvevatevedzeri vemutungamiri webato uye chasachigaro.

Amai Joyce Mujuru mumwe wevatevedzeri vemutungamiri webato, chimwe chinzvimbo chemutevedzeri wemutungamiri webato chakasiiwa nekushaya kwaVaJohn Nkomo. Zvigaro izvi zviri kukwikwidzwa pakongiresi.

Vamwe vari kuti sachigaro webato, VaSimon Khaya Moyo, ndivo vari kutarisirwa kukwikwidza chimwe chigaro chemutevedzeri wemutungamiri webato.

Vamwewo vanonzi vari kudawo kukwikwidza chigaro chasachigaro webato.

XS
SM
MD
LG