Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vopesana Maonero Pane Zviri Kuitika Kuna VaMugabe


Kunyange hazvo mutauriri waVaMugabe, VaGeorge Charamba, pamwe nemutauriri webato ravo reZanu PF, VaSimon Khaya Moyo, vakaramba mashoko aya vachiti ndeemanyepo, pane vamwe munyika vanooona sekuti pane chokwadi mumashoko aya.

Apo bato reZanu PF pamwe nehurumende vari kuramba runyerekupe rwekuti mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, vari kurwara zvakaipisisa vari kune imwe nyika yekumabvazuva, veruzhinji munyika vane maonera akasiyana vamwe vachiti mashoko aya ndeemanyepo sezvo achigaro taurwa nguva ino gore rega rega apo VaMugabe vanenge vari pazororo.

Asi vamwe vanoti anogona kunge ari echokwadi sezvo VaMugabe vave mukweguri.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Kunyange hazvo mutauriri waVaMugabe, VaGeorge Charamba, pamwe nemutauriri webato ravo reZanu PF, VaSimon Khaya Moyo, vakaramba mashoko aya vachiti ndeemanyepo, pane vamwe munyika vanooona sekuti pane chokwadi mumashoko aya.

VaMilton Phiri, avo vanogara kuRugare muHarare, vanoti kunyange hazvo mashoko aya achigaro taurwa panguva ino gore rega mukati memakore mana apfuura, vanoona sekuti izvi zviri kuitika nekuti ndizvo zviri kutarisira veruzhinji.

Vamwewo vakaitasaAmai Betty Machana vanotiwo kunyange hazvo vasingashuvire kuti munhu arware, vanhu vemuZimbabwe vatambura zvekuti vamwe vave kufariria runyerekupe urwu.

Amai Melody Garaipasi vekuChitungwiza vanoti kunyanage hazvo iyi iri nyaya inogarotaurwa nezvayo nguva nenguva, inyaya inokonzerwa nekuti hurumende neZanu PF haibudi pachena panyaya yezororo raVaMugabe.

Vanotiwo hapana chikonzero chekuti mutungamiriri wenyika aende kuzororo muchihwande vachiti izvi ndizvo zvinokonzera kuti vanhu vataure zvese zvese kunyange zvisiri zvechokwadi.

Asi murairidzi wezvekutapwa kwenhau pachikoro cheHarare Polytechnic, VaWellington Gadzikwa, vanoti zvese izvi ndezvemanyepo uye zviri kukonzerwa nevanyori venhau vanoita basa ravo zvisina mwero.

Vanoti vatori venhau vanofanira kutanga vabvunzurudza pamwe nekutsvaga chokwadi vasati vanyora nyaya dzavo vachiti zvakaitika izvi zvinoratidza kuti basa harina kuitwa nemazvo. Vanoti izvi zvinoita kuti veruzhinji vasavimbe nezvinobuda mumapenhau anonyora manyepo.

VaTyson Mwale vanoti vanobvumirana neVaGadzikwa asi vanoti kuramba nyaya iyi ichingobuda kune zvakunoreva.

Vanoongorora zvematongerwo enyika, VaFortune Gwaze, vanoti pari zvino vanotora mashoko aya semanyepo uye vanoti vachatanga kuabvuma kana VaMugabe vakatadza kudzoka kubasa kupera kwemwedzi uno sezvakatarisirwa.

VaMugabe vakaenda kuzororo musi wa15 Zvita uye vatevedzeri vavo, VaEmmerson Mnangagwa naVaPhelekhezela Mphoko, vari kuchinjana kubata chinzvimbo chavo.

VaGwaze vanot havawoni pane chakaipa pane izvi sezvo mahofisi aVaMugabe akazivisa kuti izvi ndizvo zvichaitika uye pasina zvakawanda zvinoitika kana VaMugabe vasipo.

Misangano mikuru yebato reZanu PF pamwe newemakurukota ehurumende weCabinet, haiitwe kana VaMugabe vasipo uye vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika, VaOwen Dhliwayo, vanoti izvi zvinoratidza kuti vatevedzeri vaVaMugabe havana simba.

Vatiwo izvi zvinoratidzwo kuti VaMugabe ndivo vanoita zvese mubato nemuhurumende, zvokuti kana vasipo hapana chinofamba.

XS
SM
MD
LG