Accessibility links

Breaking News

Veruzhinji Vanoti Zvisungo zveZanu PF Kungotaurawo Chete


Zanu PF yabuda neMugovera nezvisungo zvakawanda pamusangano wayo wekongiresi yebato iri.

Vachitura semunyori anowona nezvemutemo mu Zanu PF, Va Emmerson Mnangagwa, vati vatevedzeri vemutungamiri wenyika vachadomwa pachishandiswa chibvumirano chakaitwa ne Zanu PF ne Zapu muna 1987 che Unity Accord.

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda vakazvimirira, Va Sydney Masamvu, vati nyaya dzekuti ndiyani achatora matomhu kubva kumutungamiri wenyika hadzisi kuzogadziriswa nekuti vanodomwa sevatevedzeri vaVa Mugabe vanofanirwa kukwikwidzawo pakongiresi inotevera.

Mutauriri wedare reparamende uye varivo vanga vari sachigaro wekomiti yanga ichitarisa mamiriro ezvinhu mubato pakongiresi, Va Jacob Mudenda, vatiwo kongiresi yabvumirana kuti munhu wese achawanikwa achikonzera kuumbwa kwezvipoka – zvipoka mubato achadzingwa zvachose.

Va Mudenda vatiwo bato ravo richatora matanho nenyaya yevarungu vachiri mumapurazi.

Sachigaro wekomiti yanga ichitarisa nyaya dzemagariro evanhu, Amai Sithembiso Nyoni, vatiwo vabvumirana kuti vasimbaradze nyaya yekuwanisa vanoshaya dzimba dzekugara pamwe nekusimudzira mararamiro avo.

Mumwe mugari wemuHarare, VaSteward Takaruza, vanoti hurmunde haina mari kuwanira vanhu dzimba. VaKaruza vanoti hurumende yaifanirwa kunge yakaita izvi apo zvinhu zvainge zvichamira zvakanaka munyaya dzehupfumi.

Sachigaro wekomiti yanga ichiongorora nyaya dzemaguta munyika uye vari gurukota rezvekurima, Va Joseph Made, vatiwo kongiresi yabvumirana kuti varimi vatsva vabatsirwe nezvekushandisa kuitira kuti nyika iwane chikafu chakakwana. Va Made vatiwo varimi vose vachange vave kusungirwa kutengesa chimwe chikamu chegoho ravo ku GMB.

Vachitaura sachigaro wekomiti yanga ichiwona nezvezvivakwa uye vari gurukota rinowona nezvekutakurwa kwezvinhu, Va Obert Mpofu, vatiwo vabvumirana kuti migwagwa mizhinji igadzirwe zororo reKisimusi risati rasvika.

Asi mumwe mugari wemuHarare, VaKudakwanishe Chiunye, vanoti mashoko aVaMpofu ndeekuda kupata vanhu vekumesa.

Zvichakadai,Va Mudenda vati musangano wekongiresi uyu wabudawo nechisungo chekuti Zimbabwe igamuchire nhaurirano nenyika dzekumavirira dzakaita seBritain nedzimwe mukuedza kugadzirisa hukama hwayo nenyika idzi.

Va Masamvu vati danho ratorwa neZanu PF iri idanho rakanaka vachiti danho iri idanho raifanirwa kunge rakatorwa kare.

Zimbabwe haisi kudyidzana nenyika dzekumavirira pamusana pekubirirwa kunonzi kwakaita sarudzo kubva muna 2000 kusvika parizvino pamwe nekutyorwa kwekodzero dzevanhu.

Asi Zanu PF inoti Va Mugabe nevamwe vavo vakatemerwa zvirango pamusana pechirongwa chekugovera vatema minda chakatangwa nebato iri muna 2000.

Chimwe chezvisungo zvabuda nekongiresi ye Zanu PF kuvaka chikoro chichange chichidzisa vatsigiri vebato iri gwara remusangano, kana kuti school of ideology.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG