Accessibility links

Breaking News

VaMaguwu Vanoti Zimbabwe Inyika Yakakundikana Zvachose


Zimbabwe yakwanisa makore maviri yabva musarudzo yemutungamiri wenyika, pamwe nesarudzo dzevamiriri veparamende nekamanzura, idzo dzakaitwa musi wa 3i Chikunguru 2013.

Bato reZanu PF ndiro rakakunda musarudzo idzi, kunyange hazvo mapato eMDC achiti dzakabirwa zvemhando yepamusoro.

Munguva yekutsvaga rutsigiro, Zanu PF yakavimbisa vana veZimbabwe zvakawanda zvinosanganisira kuwanisa vanhu mabasa anodarika mamiriyoni maviri kuburikidza nechirongwa chayakaparura che Zimbabwe Agenda for Sustainable Socio-economic Transformation, ZimAsset.

Asi makore maviri sarudzo idzi dzapfuura, vazhinji vari kubvunza kuti zvivimbiso izvi zvakaendepi.

Nechipiri, gurukota rinoona nezvekurongwa kweupfumi uye vari mutauriri weZanu PF, VaSimon Khaya, vakaudza musangano wezvemabhizimusi madiki waiitirwa muHarare kuti chirongwa cheZimAsset ichi chakakundikana kubaya chaipo pavaitarisira, zvichireva kuti chiri kutadza kubudirira.

Bato reMDC-T ranyorawo gwaro richiti makore maviri adarika aya anga ari makore asina tarisiro uye akaperera pasi, vashandi vakawanda vachirasikirwa nemabasa, sezvo hupfumi hwenyika hwatonyanya kunyura mumatope.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika uye vari mukuru we Center for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu, vanoti chokwadi chiripo hapana mabasa akaumbwa asi kutoti vashandi vari kudzingwa mabasa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG