Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yoitira Musangano Wayo wePagore muGweru


Mutungamiri weZanu-PF, VaRobert Mugabe, neChitatu vakakokera musangano wePolitiburo yebato ravo muHarare senhanga nyaya yemusangano wepagore webato iri wavachavhura zviri pamutemo nemusi weChishanu kuGweru.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa mubato iri, VaDidymus Mutasa, vaudza vatori venhau kuti Politiburo yavo iri kutarisa nyaya dzine chekuita negwaro repagore reCentral Committee rinoongorora mamiriro akaita zvinhu mubato, nyaya yekuti vachamirira bato musarudzo vanenge vakaita sei, nyaya yemamiriro akaita hurumende yemubatanidzwa uye nyaya yesarudzo dziri kutarisirwa kuitwa gore rinouya.

Politiburo yataurawo nezvesarudzo dzebato iri dzakaitwa kuBulawayo, Matebelaland North neMasvingo. Asi yabvuma kuti kuMasvingo zvinhu hazvina kumira zvakanaka nenyaya yekunetsana kuri mubato.

Studio7 haina kukwanisa kubata mutauriri webato iri, VaRugare Gumbo, sezvo vange vachiri mumusangano.

Munyori anoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika musangano revechidiki muZanu-PF, VaTongai Kasukuwere, vanoti bato ravo richabuda negwara richashandiswa nebato gore rinouya.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mudzidzi paUniversity of Zimbabwe, Muzvinafundo John Makumbe, avo vakazivisawo kuti vachada kukwikwidza musarudzo vakamirira MDC-T, vanoti havaone chinobuda chine musoro pamusangano weZanu PF.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG