Accessibility links

Breaking News

Varimi Voratidzira Vachiti Vanoda Mbeu neFotereza


Vamwe varimi varatidzira neChitatu pamuzinda webato riri kutonga re Zanu PF vachiti havasi kufara nemafambisirwo akaitwa mari dzavo pamwe nembeu nevamwe vakuru-vakuru vari mubato iri vachiti vanoda kuti mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, vatore matanho panyaya iyi.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:07:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Varimi ava, avo vanga vachidarika mazana maviri, vaungana pamuzinda we Zanu PF muHarare mangwanani panguva iyo komiti huru yebato iri yePolitburo yanga iri mumusangano vachiti havasi kufara nekushayiswa kwavakaitwa mbeu nefetereza nevakuru-vakuru vekambani ye Lasch Investments vachishanda pamwe chete neYouth League yebato iri.

Vanga vachitungamira varatidziri ava, Va Agrippa Luwanja, vaudza Studio 7 kuti havasi kufara nekutadza kwavari kuita kurima nepamusana pekushaya zvekushandisa mukurima zvakafanana nembeu nefetereza.

Va Luwanja vanoti chiri kuvanetsa ndechekuti hapana ari kutora matanho kunyange hazvo nyaya iyi yakasvika munzeve dzevamwe vakuru mubato iri.

Mumwe wevaratidziri ava, Amai Regina Mazivanhanga, vanotiwo chiri kunyanyovarwadza ndechekuti vamwe vakuru vakuru veZanu PF vari kushandisa zita remusangano kubira vanhu vari kutotamburawo zvavo.

Amai Mazivanhanga vati chibage chavo chave kutsvukuruka nepamusana pekushaiwa fetereza uye vanoti zvave pachena kuti munyika mungangoita nzara yakakura zvikuru gore rino sezvo varimi vanodarika zviuru zvisere nemazana maviri vasina kukwanisa kuwana mbeu pamwe nefetereza paine nguva.

Mumwe wevarimi ava, Va Jaison Chirinda, avo vati vanobva kudunhu re Mashonaland Central, vati vakarasikirwa nemari yakawanda zvikuru vanyeperwa nevanhu ve Lasch Investments kuti vachazopihwa mbeu.

Vanotiwo tsvangiridzo yavo yakaburitsa pachena kuti gurukota rezvekurima, Va Joseph Made, pamwe negurukota rezvematunhu, Va Ignatious Chombo, ndevamwe vakashanda nekambani ye Lasch Investments mukusafambisa zvakanaka mari dzevarimi mumatunhu ese enyika.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa divi raVa Made panyaya iyi sezvo vanga vasiri kudaira mbozhanhare yavo uye Va Chombo vati vanga vari mumusangano.

Varatidziri ava havana kuzokwanisa kutaura naVa Mugabe avo vanga vari mumusangano wePolitburo.

XS
SM
MD
LG