Accessibility links

Breaking News

VaObama Vanoonekana neNhengo dzeMandela Washington Fellowship


Mutungamiri weAmerica, VaBarack Obama, vanoti vachawedzera huwandu hwevechidiki vemu Africa vachapinda muchirongwa cheMandela Washington Fellowship kubva pamazana mashanu gore rino kusvika pachiuru chimwe gore rinouya.

VaObama vataura mashoko aya pamusangano wavaita nevechidiki vari kupedza zvidzidzo zvavo pasi pechirongwa cheMandela Washington Fellowship.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaObama vaudza musangano uyu kuti vechidiki vanoda kupinda muchirongwa ichi vakawandisa, zvinova zvakapa kuti vawedzere huwandu hwavo gore rinouya.

VaObama vazivisa zvakare kuti gore rinouya vachatumirawo vechidiki vemuAmerica kunyika dzemuAfrica kunodzidzawo nezvenyika idzi sezviri kuitwa nevechidiki vekuAfrica ava.

VaObama vanoti parwendo rwavo kuKenya nekuEthiopia mazuva mashona apfuura, vakafara zvikuru kuona vechidiki vachishanda nesimba mukusimudzira nyika dzavo.

Mutungamiri weAmerica azivisawo kuti chirongwa ichi chavhura hofisi kuKenya, uye chichabatsira vechidiki munyaya dzemabhizimusi. Vanoti mamwe mahofisi achavhurwa kuPretoria, South africa nekuDakar, Senegal.

VaObama, avo vana baba vaibva kuKenya, vakurudzira vechidiki vava kupedza zvidzidzo zvavo kuti vashande nesimba kana vadzokera kunyika dzavo.

Vachibvunzwa nemumwe wevechidiki ava kuti kana vasisiri mutungamiri we America, chirongwa cheMandela Washington Fellowship chichaenderera mberi here, VaObama vati hongo, vachawona kuti hurongwa uhu huchaenderera mberi sezvo hwakakosha zvikuru.

Vechidiki vekuZimbabwe vari muchirongwa ichi gore rino vanosvika makumi matatu.

Promise Muleya ndemumwe wavo. Muleya anoti adzidza zvakawanda zvichamubatsira kana adzokera kuZimbabwe.

Va Obama vanoti vakawana mari inosvika bhiriyoni rimwe remadhora yekubatsira vechidiki pasi pechirongwa chavakavamba ichi uye vanoti imwe yemari iyi ichashandiswa mukubatsira madzimai.

Chirongwa cheMandela Washington Fellowship chakatanga muna 2010 chichinzi Young African Leaders’s Initiative.

XS
SM
MD
LG