Accessibility links

Breaking News

China Inganyukura Zimbabwe Here Mumadhaka Mairi?


Zimbabwe China
Zimbabwe China

Kushanya kwemutungamiri weChina, VaXi Jinping, nevemabhizimusi vekunyika yavo, kwagamuchirwa zvakasiyasiyana siyana nezvizvarwa zveZimbabwe.

Vakawanda muhurumende varumbidza kushanya kwaVaXi vachiti kuchavandudza kwehupfumi hwenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi vamwewo vanoti hazvina zvazvinobatsira Zimbabwe, asi kutoti Zimbabwe ichawedzera kupfumisa kwayo China.

Mutungamiri we Zimbabwe National Chamber of Commerce, VaDavid Norupiri, vanoti kudyidzana kuri pakati peZimbabwe neChina kunobatsira nyika mbiri idzi zvakafanana.

Vaimbova mumiriri weZimbabwe ku China, varizve gurukota rinoona nezve vaive varwiri verusununguko munguva yehondo , Va Christopher Mutsvangwa, varumbidza hukama huri pakati peZimbabwe neChina vachiti China yaramba yakamira neZimbabwe munguva dzose.

Asi munyori mukuru musangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, VaJaphet Moyo, vashoropodza hukama huripo pakati peZimbabwe neChina vachiti sevashandi vari kutoshamiswa kuti chiri kufarira vanhu chii nekushanya kwaVa Xi?

VaMoyo vanoti sevashandi havafarire mabatirwo evashandi vari mumakambani evanhu veku China.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, uye vachishanda nesangano ravana chipangamazano re Labour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vanoti hukama huri pakati peZimbabwe ne China hauna kuringana.

Kunyange hazvo mutungamiri weChina atambirwa zvine mutsindo, zvikuru nevatsigiri veZanu PF, vamwewo vanoti vamirira kuona kuti chii chichachinja munyika sezvo China ichizivikanwa nekusveta hupfumi pasi rose.

XS
SM
MD
LG