WASHINGTON —
Pretty Xaba, uyo aiita zvemitambo yepaterevhizheni nemurhedhiyo, akashaya neMugovera kuIndia.
Xaba anga achirapwa ari kuIndia kwakare chirwere chegomarara repahuro. Chirwere ichi changa chava nenguva chichimunetsa.
Hama neshamwari nevane tsiye nyora vakaunganidza mari mwedzi miviri yapfuura yekuti Xaba anorapirwa kuIndia.
Kunyange hazvo vana chiremba vane hunyanzvi vakaedza kumabatsira, zvinoratidza kuti chirwere ichi changa chakomba.
Mumwe wevanhu vaishanda naXaba, VaTaona Mafundikwa, vanoti mhuri yekwaXaba ichizivisa nezvekuratidzikwa kwake.
Pari zvino mutumbi wake uchiri kuIndia.