Accessibility links

Breaking News

Kuoma kweZvinhu Kunobatawo Econet neDelta


Zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyaya dzezvehupfumi izvo zvava kupa kuti makambani maviri makuru munyika anoti Delta ne EconetWireless agumure vashandi, vamwe vachidimburirwa mari dzemihoro.

Bhanga guru rinokweretesa mari pasi rose, reWorld Bank, rinotiwo hupfumi hwenyika huchakura nechikamu chimwe kubva muzana sezvo nyika iri kutatarika kuwana mari yekugadzirisa hupfumi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Bhanga iri rinotiwo kutadza kusafamba zvakanaka kwezvinhu munyaya dzezvehupfumi kuri kudzoserawo zvinhu munyika.

Econet ndiyokambani hombe yenharembozha munyika, uye yange ichiita zviri nani makore ose.

Asi kambani iyi yakamanikidzwa mwedzi wapera kudzikisa mari dzevanhu vanotengesa zvinhu kukambani iyi uye kudzikisa mari dzemihoro yevashandi nezvikamu makumi matatu nezvishanu kubva muzana.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vachishanda nesangano re Labour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vanoti hurumende inofanirwa kugadzirisa mitemo yavo ine chekuita nekuvambwa kwemakambani nevekunze kuitira kuti munyika mupinde makambani akawanda anozosima mari dzawo.

XS
SM
MD
LG