Accessibility links

Breaking News

Zvakatarwa neWHO Zvoomera Zimbabwe Kuzvizadzisa


Nyanzvi munyaya dzehutano nezvehupfumi dzinoti zvinofanirwa kutevedzerwa pakurapa denda reHIV/AIDS zvakabudiswa neWorld Health Organisation, WHO, pamusangano we 2015 Icasa wakaitirwa muHarare muna Mbudzi zvinoda mari yakawanda zvikuru kuti zvizadziswe.

Mukuru wesangano reZimbabwe National Network of People Living with HIV/AIDS, Muzvare Muchanyara Mukamuri, vanoti kunyange kurudziro yekuti munhu wese aoongororwe ropa rake yakanaka, inoisa Zimbabwe parumananzombe nekuda kwehupfumi husina kumira zvakanaka.

Kunyange hazvo WHO iri kuti munhu wese ane HIV anofanirwa kuva pamishona yema Anti Retroviral Drugs, Muzvare Mukamuri vanoti nemaomero akaita zvinhu muZimbabwe, zviri nani kuti timbotanga kupa vane hutachiona hune hukusha hwakanyanya, kana kuti 500 CD4 count.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mukuru wechirongwa che HIV/AIDS neTB mubazi rezvehutano, VaOwen Mugurungi, vanoti ichokwadi kuti pari zvino kutori nevanofanirwa kunge vachimwa mushonga vasati vatanga kupihwa mishonga iyi nebazi ravo nepamusana pekushaikwa kwemari.

Kunyange hazvo zviri pachena kuti Zimbabwe haina mari, VaMugurungi vanoti vane chivimbo chekuti mari ichawanikwa hayo.

Nhengo yesangano reAdvocacy Care Team, VaChamu Mashoko, vanoti vari kukurudzira zvizvarwa zveZimbabwe kuti zvibatsirewo sezvo hurumende iri kuomerwa.

Senzira yekuona kuti munhu wese avhenekwa ropa rake, VaMugurungi vanoti bazi ravo richange richizopinda mumisha inogara vanhu vachivheneka ropa ravo pane kumirira kuti vanhu vauye vega kuzovhenekwa kumakirinika nedzimwe nzvimbo dzakatarwa nehurumende.

Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti kuti hurumende ikwanise kuitwa zvimwe zvezvinhu zviri kukurudzirwa neWHO, Zimbabwe inofanirwa kuwedzera bhajeti rezvehutano, kubva pazvikamu zvinomwe nechidimbu kubva muzana, kusvika pazvikamu gumi nezvishanu kubva muzana zvebhajeti renyika yose, sezvakawiriranwa muchisungo cheAbuja Declaration.

XS
SM
MD
LG