Accessibility links

Breaking News

Vamwe kwaMutema Voudza VaWharton Kuti "Zvirango" Zvibviswe.


Ambassador Bruce Wharton
Ambassador Bruce Wharton

Mumiriri weAmerica muZimbabwe, Ambassador Bruce Wharton, vakatambirwa nevanhu vairatidzira kwaMutema vachiti havasi kufara nezviri kuitwa neAmerica iyo vanoti yakatemera zvirango mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nevamwe vavo muZanu PF.

Mumwe wevairatidzira ava uye uye vari kanzura weWard 9 kwaMutema, Kanzura Tendai Makuyana, vakati budiriro yaizonyowanikwa munharaunda mavo kana zvisungo zvakatemerwa VaMugabe nevamwe vavo zvabviswa zvose.

Asi VaWharton vakati VaMugabe ngavagadzirise zvinhu mumba mavo kwete kuhwanda nenyaya yezvirango. Vachitaura pakupemberera kubudirira kwevarimi vemabhanana kwaMutema, avo vari kubatsirwa nebazi reUSAID, VaWharton vakati Zimbabwe ine mukana mukuru wekuti ibudirire kana pakava nehwaro hwakanaka hwekugadzirisa nyaya dzezvehupfumi uye hutongi hwejekerere.

VaWharton vanoti pavanhu vakatemerwa zvirango ava, pamwe chete nemakambani avo, hapana zvazvinokanganisa veruzhinji vemunyika mumararamiro avo.

Mumiriri weAmerica munyika vanoti hukama huri pakati peZimbabwe nenyika yavo hucharamba huripo uye vachibatsira mune zvakawanda zvinosanganisira dzidzo, zvekudya, nezvimwe zvinoita kuti vanhu vawane zvinovapa chouviri.

VaWharton vakatora mukana uyu zvakare kuramba mashoko ekuti hurumende yavo yange ichishandidzana nevamiriri veparamende gumi nevaviri mukutapa mashoko uye zviri kuitika muZanu PF nemuhurumende yaVaMugabe.

VaWharton vakati sekuziva kwavo kudyidzana kwavo nehurumende yaVaMugabe kwagara kuripo nekushandidzana mune zvakanaka nevamiriri veparamende munyika yose.

Hurumende yeAmerica pasi pebazi re-USAID yakabatsira nemari inosvika zviuru mazana masere pakugadzirisa michina, uye zviborani zvinopomba mvura yemadiridzo eminda yemibhanana kuvarimi vekwaMutema uye kwaChibuwe, kuChipinge West ne Musikavanhu.

Mari iyi yakashandiswa zvakare mukutenga mbeu yemabanana, uye mishonga yacho apo pakatanga hurongwa uhu mugore ra2009.

Varimi vanosvika mazana maviri nemakumi mashanu vari kubatsirikana nekurima mabhanana aya.

Varimi ava vari kushanda pamwe chete nekambani yeMatanuska inorimawo mabhanana, iyo inovabatsira pakuvatengesera mabanana aya kunze kwenyika.

XS
SM
MD
LG