Accessibility links

Breaking News

Matambiro eZimbabwe Warriors Okonzera Mutauro Munyika


Zimbabwe Warriors
Zimbabwe Warriors
Kukundwa kweZimbabwe mumakundano e 2015 Africa Cup of Nations neTanzania kwaradza vakawanda sezvo vanga vasingatarisire kuti maWarriors angabuditswe nechikwata chisina mukurumbira chemaTaifa Stars.

Veruzhinji vari kutaura zvakawanda nezvavanofunga kuti ndizvo zvaifanira kuve zvakaitika pamutambo weZimbabwe neTanzania uyo Zimbabwe yakabuditswa munzira yekuenda kuma2015 Africa Cup of Nations finals munharaunda yepasi pasi.

Vakawanda vari kushaya kuti chii chaicho chakaitika nechikwata chavo mumukundwa neTanzania iyo yakapedzisira kuenda kumakwikwi e Africa Cup of Nations makore makumi matatu nemana apfuura.

Vamwe vanga vachimbonakurira mhosva kumurairidzi vechikwata ichi, Ian Gorowa, vamwewo vachiti Zimbabwe haina vatambi vanokwanisa kuendesa maWarriors kuma Africa Cup of Nations. Vamwewo ndivo vanoti veZifa havasi kupa vatambi mari saka havasi kutamba vaine tarisiro.

Kunyange murairidzi wechikwata cheTanzania chacho, Maart Nooj, haasi kunzwisisa kuti Zimbabwe yakawira pasi zvakadai sei achiti iye maWarriors haana kurwa sezvinotaurwa nezita rawo asi kuti chikwata chake ndicho chakatorwa sevarwi vakasimba vehondo.

Gorowa anoti akarwadzikana zvikuru nekubuditswa kwechikwata chake mumakundano aya zvekuti akaramba kutaura nevatori venhau nezvemutambo uyu apo wakapera neSvondo.

Vachida ivo kukunda nezvibodzwa zviviri kuti vaenderere mberi, maWarriors akaita mangame 2-2 izvo zvakasiya vasingakwanise kunotamba neMozambique mumutambo unotevera.

MaWarriors aive ambokundwa 1-0 mumutambo wekutanga uyo wakatambirwa muDar Es Salaam masvondo maviri achangopfuura, izvo zvakaita kuti mitambo miviri iyi ipere iri 3-2, Tanzania iri pamberi.

Chiri kushamisa ndechekuti Zimbabwe haisati yambokunda pamusha kubvira Gorowa atora basa kubva kuna Klause Dieter Pagels muna Chikunguru gore rapera. Mumitambo yese yavakatamba Zimbabwe yakaita mangange neMauritius, Mozambique, Zambia naikozvino neTanzania.

MaWarriors haachakwanisa kutamba mitambo yakakosha kusvika muna 2017 apo kuchatambwa zvekare mamwe makwikwi eAfrica Cup of Nations pamwe nemunzira yekuenda kuma 2018 World Cup.

Izvi zvanga zvisingatarisirwe neveruzhinji sezvo vaiona kunge Tanzania yacho haikwanise kunyange zvakaita sei kudambura Zimbabwe semaonera aiita VaDaniel Munda, avo vanofarira chikwata chemaWarriors zvakasimba.

Mumwe mutsigiri weZimbabwe, VaSimon Muchatuta, vaionawo zvekare Tanzania semutserendende waifanira kungodarikwa.

Asi tichitarisa zvakaitika nezuro zvakakodzera zvekare kutarisa kuti ramangwana rechikwata ichi rtakamira sei.

Mumwe wevatambi vemaWarriors, Willard Katsande, uyo anotambira chikwata cheKaiser Chiefs chekuSouth Africa, anoti iye kubuditswa kwakaitwa maWarriors yave nhoroondo achiti vave kutarisira kuenda kuma 2017 Africa Cup of Nations.

Asi pari zvino vatsigir venhabvu vave kutarisira zvavo kuona mitambo yamunyika yeCastle Lager Premier Soccer League iyo yaive yambomiswa nemhaka yemutambo wema Warriors ne Taifa Stars.
XS
SM
MD
LG