Accessibility links

Breaking News

Makatanwa Otarisirwa neChipiri Pakati peMasangano Anomirira Vanotengesa Mumigwagwa


Kwekwe Vendors
Kwekwe Vendors

Rimwe remasangano anomirira vanhu vanotengesa zvinhu zvavo mumigwagwa rinoti richatanga kubvisa vanhu vanotengesera mumigwagwa yemuHarare neChipiri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi vanotengesera mumigwagwa ava vanoti havasi kuzobvuma kubva munzvimbo dzavanoshandira vasina kupihwa nzvimbo dzokutengesera dzakanaka.

Vachitaura nevatori venhau mu Harare neMuvhuro, mukuru-mukuru we Queen of Grace Zimasset Trust, Va Ephraim Chizola, vati kubviswa kwevanhu mumigwagwa vachakutangisa neChipiri mangwanani nenguva dza 9.

Va Chizola vati vachange vabviswa pakati pedhorobha ava vachaendeswa panosangana migwagwa inoti Samora Machel na Chinhoyi kuitira kuti vanotengesa vari ipapo.

Va Chizola vati sangano ravo rakaumba homwe ichange ichiita kuti vanotengesa mumigwagwa vakwanise kukwereta mari kuti vakwanise kuita basa ravo.

Asi vamwe vevanotengesera mumigwagwa vakaita saVa Malvin Manomano vati zviri kutaurwa neve Queen of Grace Zimasset Trust hazvina musoro uye vati havasi kuzobva pavari kutengesera kusvika vapihwa nehurumende pekushandira pakanaka sezvakataurwa nedare repamusoro.

Zvataurwa naVa Manomano izvi zvatsinhirwa naVa Denford Ngadziore avo vanotengesa vari pedyo nemahofisi ekanzuru ye Harare.

Amai Macia Nyamweda, avo vanotengesera pedyo nepanokwirirwa mabhazi pa Copa Cabana vati nzvimbo dzavari kuda kunzi vaende kunotengesera dziri kure nevanhu vanokwanisa kutenga zvinhu.

Vati havasi kuzobvuma kubviswa mumigwagwa mavari kutengesa vari. AmaiNyamweda vati vanotengesera mumigwagwa vese havakwane kwavari kuda kunzi vaende kunotengesa vari.

Zvichakadai, mutungamiri wesangano reNational Vendor Union, Va Samuel Wadzai, vakurudzira nhengo dzesangano ravo kuti dzisabvume kubva munzvimbo dzavari kutengesera vari kudzamara vapihwa pekutengesera pakanaka uye panovakwanira.

Va Wadzai vaudza Studio 7 parunhare kuti pane vanhu vanodarika zana nemakumi matatu ezviuru vari kutengesera mumigwagwa yemu Harare chete vachiti nzvimbo dziri kunzi vanhu vanotengesera vari hadzikwane vanhu ava.

Zvichakadai, mutauriri wekanzuru ye Harare, Va Michael Chideme, vati kanzuru haisati yatora danho rekubvisa vanhu mumigwagwa vachiti kanzuru yavo iri kuda kutanga yavaka pachazenge pachitengeserwa nevanhu sezvakaturwa nedare.

Asi vabvuma kuti nzvimbo iri kuda kuendeswa vanotengesera mumigwagwa ava nesangano re Queen of Grace Zimasset Trust inzvimbo yakatarwa nekanzuru kuti vanhu vagonotengesera vari ikoko kana yagadzirwa.

Dare repamusoro rakatura mutongo wekuti vanhu ava havafanire kubviswa panzvimbo dzavari kushandira vasati vawanirwa dzimwe nzvimbo dzakanaka dzokushandira.

Mamwe magwetaanoti zviri kuda kuitwa neQueen of Grace Zimasset Trust izvi zvinotyora mutongo wakaturwa nedare uyu kana pasina nzvimbo dzakati tsvikiti dzekuti vanhu ava vashande vari.

Ukuwo hurumende inoti pane nzvimbo dzakawanda dzairi kusendeka parutivi kuti vanoshanda vari mumigwagwa vagoenda kunoshanda vari panzvimbo idzi.

XS
SM
MD
LG