Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kuburitsa Mujeri Vanotengesa Mumigwagwa


Vemasangano akazvimirira akawanda anosanganisira Crisis in Zimbabwe Coalition, Zimbabwe Congress of Trade Unions, neZimbabwe Lawyers for Human Rights vakurudzira neChishanu kuti hurumende iburitse muhusungwa hutungamiri hwerimwe remasangano anomirira vanotengesera mumigwagwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vari muhusungwa vri kunzi vaburitswe pasina mhosva dzavapomerwa mukuru weNational Vendors Union of Zimbabwe, VaSamuel Wadzayi pamwe nemutungamiri wesangano iri, VaStan Zvorwadza.

VaMarvellous Khumalo, avo vanove mutauriri wesangano remubatanidzwa wemasangano evagari munharaunda yeHarare, Chitungwiza, Ruwa neNorton, reHarare Metropolitan Residents Forum, vanoti semasangano akazvimirira, vaita musangano nevatori venhau kuMedia Center muHarare, vakazoenda kujeri re Harare Remand Prison uko kwakachengeterwa VaZvorwadza, naVaWadzayi, pamwe nevamwe vanotengesa ava vechirume.

Madzimai anonzi akachengeterwa kuChikurubi Remand Prison.

Vanhu ava vakasungwa masvondo maviri apfuura vachipomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga, mushure mekunge varamba kubuda mumigwagwa mavari kutengesera.

Pari zvino vanotengesa vanosvika makumi maviri ndivo vanonzi vachiri muhusungwa, uye vari kutarisirwa kudzokera kudare musi wa 4 Nyamavhuvhu.

XS
SM
MD
LG