Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anotadzisa Vanotengesa Zvinhu Kutsvaira Migwagwa muHarare


Mapurisa emuHarare ashandisa chisimba neChishanu achirambidza sangano revanoita zvekutengesa, reNational Vendors Union of Zimbabwe, kuti vatsvaire mumigwagwa yemuguta.

Sangano iri rinoti mapurisa anodzivirira mhirizhonga auya ndokuparadza gungano renhengo idzi apo dzange dzaungana kuti dzitange kutsvaira mumigwagwa yeguta guru renyika.

Nhengo yebhodhi resangano iri, VaStanley Zvorwadza, vanoti nhengo dzavo nhatu dzakuvadzwa muchiitiko ichi mushure mekurohwa nemapurisa.

VaZvorwadza vanotiwo nhengo dzavo dzinopfuura zviuru zvishanu dzanga dzaungana panosangana Samora Machel Avenue na Chinhoyi mugadziriro yekuti dzitsvaire migwagwa yeHarare.

Izvi zvanga zvichida kuitwa senzira yekuratidzawo hurumende nekanzuru yeHarare kuti vakazvipirawo mukuchengetedza nzvimbo dzavanoshandira dzakachena.

VaZvorwadza vanoti nemusi weChipiri sangano ravo rakanyorera mapurisa tsamba richivazivisa kuti nhengo dzavo dzichaungana neChishanu kuti dzitsvaire migwagwa, asi mapurisa haana kupindura.

Asi vanoti vazoshamisika voona mapurisa ane zvombo achiuya ndokuvarwisa.

Hatina kukwanisa kubata mapurisa kuti tinzwe zvikonzero zvaita kuti varambidze vanhu ava kutsvaira mumigwagwa iyi.

Asi VaZvorwadza vanoti kunyange hazvo varambidzwa nemapurisa, ivo vazokurudzira nhengo dzavo kuti dziparare kuitira kuti vazoronga zvakare humwe hurongwa hwekutsvaira mumigwagwa.

Vanotiwo havana kuda kuti nhengo dzavo dzirambe dzakaungana sezvo dzaizopomerwa mhosva yemhirizhonga inogona kunge yakonzerwa nevanhu vasineyi nesangano ravo.

XS
SM
MD
LG