Accessibility links

Breaking News

Vechidiki Vokurudzirwa Kugadzirira Remangwana Ravo


Sangano reUnited Nations rinoti vechidiki vanofanirwa kupindira zvizere munyaya dzehutungamiri nematongerwo enyika kuitira kuti vakwanise kugadzirira remangwana ravo.

Kurudziro iyi yabuda mumashoko esangano iri ekurangarira zuva reInternational Youth Day.

United Nations yakatara zuva iri kuti richerechedzwe pasi rose gore roga roga musi wa 12 Nyamavhuvhu.

Dingindira regore rino rinotarisa zviri kuitwa nevechidiki munyaya dzehutungamiri.

Zimbabwe ichicherechedza Heros Day neDefence Forces Day kudai, vamwe vanoti vechidiki vemazuva ano havazi kupinda munyaya dzekurwira remangwana ravo rakanaka sezvakaitwa nevechidiki vakarwira rusununguko apo vaidzvanyirirwa nehurumende yevachena.

VaPhilemon Jambaya vesangano reZimbabwe Youth Forum zvinhu hazvina kuvamirira zvakanaka sevechidiki pari zvino.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG