Accessibility links

Breaking News

Vechidiki Vogadzirira Kuenda kuAmerica Pasi Pechirongwa cheYALI


Mutori Wenhau weHerald Roselyne Sachiti
Mutori Wenhau weHerald Roselyne Sachiti

Vechidiki vari kuenda kuAmerica pasi pechirongwa cheMandela Washington Fellowship for Young African Leaders (YALI) chegore rino vatanga kugadzirira rwendo rwavo mumasvondo maviri anotevera.

Vechidiki ava vachange vachiita zvidzidzo zvakasiyana-siyana zvakanangana nebudiriro.

Mupepeti wenharu wevepanhau reHerald Roselyne Sachiti ndemumwe wevechidiki vanosvika makumi matatu (30) varikuenda kuAmerica.

Roselyne, uyo anonyora zvikuru nyaya dzakanangana nevanhukadzi nevana uye dzinoshora kushungurudzva kwemadzimai, achange aripa University of Virginia.

Roselyn anoti arikutarisira kudzidza zvakawanda pasi pechirongwa ichi uye anoti achashandisa ruzivo urwu kuvhura sangano rake richange richibatsira vanhukadzi nezvirongwa zvebudiriro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vechidiki vanosvika mazana mashanu vachauya kuchirongwa cheYALI ichi kubva kunyika dzemuAfrica dzakasiyana siyana.

XS
SM
MD
LG