Monday, April 21, 2014 Local time: 04:32

Nhau / Matongerwo eNyika

VaMutambara Vomisa VaNcube Kudzinga Nhengo dzeParamende?

x
TEXT SIZE - +
Ntungamili Nkomo
— Mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, vanyorera mutauriri wedare reHouuse of Assembly, VaLovemore Moyo, pamwe nemutungamiri wedare reseneti, Amai Edna Madzongwe, vachivakurudzira kuti vasatambire kudzingwa kunonzi kwakaitwa nhengo shanu dzematare maviri aya neMDC inotungamirwa navaWelshman Ncube.

VaMutambara vanoti VaNcube havakwanise kudzinga nhengo idzi nokuti dzakasarudzwa ivo VaMutambara vari mutungamiri webato iri. VaMutambara vatiwo kusarudzwa kwaVaNcube kuri kupikiswa mudare repamusoro soro.

MDC-N inoti  yakadzinga nhengo dzayo dzeHouse of Assemly dzinoti VaMaxwell Dube vekuTsholotsho South, VaThandeko Zinti Mkandla vekuGwanda North, na Muzvare Nomalanga Khumalo veUmzingwane.

Bato iri rinoti rakadzinga zvakare nhengo dzeseneti mbiri, VaDalumuzi Khumalo vekuLupane, pamwe chete naVaKembo Dube vekuUmzingwane.

Mutauriri weavo vanoti varimuMDC yaVaMutambara, VaMorgan Changamire, vanoti zvaitwa naVaNcube hazvizi pamutemo.

Asi mutauriri weMDC yaVaNcube, VaNhlanhla Dube, vanoti zviri kuitwa naVaMutambara hazvina nematuro ese.


Hurukuro naVa Morgan Changamire
Hurukuro naVa Morgan Changamirei
|| 0:00:00
...
 
🔇
X
Hurukuro naVa Nhlanhla Dube
Hurukuro naVa Nhlanhla Dubei
|| 0:00:00
...
 
🔇
X
This forum has been closed.
Comments
     
There are no comments in this forum. Be first and add one

Chirongwa

Facebook