Accessibility links

Breaking News

VaMphoko Voshorerwa Mashoko Avo Ane Chekuita neGukurahundi


Vanhu vakawanda vashora zvikuru mashoko egurukota rinoona nekupodzwa kwemavanga kana kuti reNational Healing uyezve vari mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaPhelekezela Mphoko.

VaMphoko vakati mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, havanei nechekuita nekuurayiwa kwevanhu kwakaitika kuMatabeleland neMidlands munguva yeGukurahundi.

VaMphoko vakaudza bepanhau reSunday Mail kuti Gukurahundi yakarongwa nenyika dzekumavirira, zvikurusei Britain.

Asi izvi zvatsamwisa vanhu vakawanda avo vanoti VaMugabe pachavo havasati vamboramba kuti mauto avo eFifth Brigade ndiwo akakonzera kuurawa kwevanhu vanonzi vanosvika zviuru makumi maviri.

Sangano reCatholic Commission for Justice and Peace rakaburitsa gwaro rinoburitsa pachena kuti vanhu vakaurayiwa muGukurahundi nemauto eFifth Brigade, ayo aitungamirwa naVaPerence Shiri munguva iyi.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika, uye vachidzidzisa zvematongerwo enyika paHuuddersfield University kuBritain, VaNkululeko Sibanda vanoti VaMphoko munhu ari kutaura zvekuda kufadza VaMugabe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG