Accessibility links

Breaking News

VaMavhinga Havachiri Sachigaro weCrisis in Zimbabwe Coalition


Vanga vari sachigaro veCrisis in Zimbabwe Coalition, VaDewa Mavhinga, vanoti vasiya basa ravo vachiti kupokana kuri musangano iri kwava kukonzera kuti sangano iri ritadze kuita basa raro nemazvo.

Vanga vari mutevedzeri waVa Mavhinga, Muzvare Samukeliso Khumalo, ndivo vadomwa pamusangano wechimbi chimbi weSpecial General Council waitirwa muHarare kuti vatore basa raVaMavhinga kusvikira kwaitwa musangano weAnnual General Meeting gore rinouya.

Kunetsana muhutungamiri hweCrisis in Zimbabwe Coalition kwanga kwatokonzera dzimwe nhengo dzesangano iri kuti dzibute mariri dzichipomera bhodhi resangano iri kusafambisa zvinhu negwara kwaro.

VaMavhinga vaudza Ntungamili Nkomo weStudio 7 kuti vari kusiya basa vaine tarisiro yekuti vari kusara vacho vachagadzirisa zviri kunetsa kuitira kuti basa resangano iri rienderere mberi.

Imwe nhengo yebhodhi resangano iri, VaMehluli Dube, vanoti kusiya basa kwaVa Mavhinga kuchabatsira mukugadzirisa zviri kunetsa musangano ravo.

XS
SM
MD
LG