Accessibility links

Breaking News

Va Chenjerai Hove Votarisirwa Kuvigwa neMugovera kuMidlands


VaChenjerai Hove
VaChenjerai Hove

Mutumbi wemunyori ane mukurumbira pasi rose, VaChenjerai Hove, uri kutarisirwa kusvika muZimbabwe neChina uchibva ku Norway.

VaHove vakashaikira kuNorway uko vange vari muhupoteri mushure mekunetseka nechirwere chechitaka.

Mutauriri wemhuri, Va Ray Mawerera, vanoti hurongwa hwekuradzikwa kwaVa Hove kumusha kwavo kuMidlands huri kufamba zvakanaka.

“Zvinhu zvose zviri kufamba zvakanaka chose,” Va Mawerera vaudza Studio7. “Mudzimai waVa Hove vatodzoka kumusha saka tichagashira mutumbi wavo kuti tinovaradzika kumusha.”

VaHove ndivo vakaita sachigaro wekutanga we Zimbabwe Writers Union payakavambwa zvichitevera kuwana kwakaita nyika kuzvitonga.

Vakanyora mabhuku akawanda anosanganisira Bones, iro rakapihwa mubairo we Noma Award for Publishing in Africa muna 1989.

VaHove vakaberekwa muna 1956 kuMazvihwa pedyo neZvishavane.

Vashanda semudzidzisi, mutori wenhau kuMoto, mupepeti wemabhuku kuZimbabwe Publishing House, mutori wenhau Inter Press Service.

Vakamboitawo Writer-in-Residence paUniversity of Zimbabwe kwemakore matatu.

Va Hove vanga vachigara kuNorway kubva muna 2001 zvichitevera kumbunyikidzwa nevasori nevamwe vaiti kunyora kwavo kunoshoropodza hurumende yeZanu PF.

Hurukuro naVa Ray Mawerera
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG