Accessibility links

Breaking News

Ambassador Wharton Vanoita Hurukuro neVapepeti veNhau


Ambassador Bruce Wharton
Ambassador Bruce Wharton
Mumiriri weAmerica muZimbabwe, Ambassador Bruce Wharton, vaita musangano nevapepeti venhau muzuva ravo rechipiri vachishanda muZimbabwe.

Vachipa pfungwa dzavo pamusangano wavo wekutanga nevapepeti venhau, Ambassador Wharton vati basa ravo guru richava rekuudza hurumende yeAmerica kuti zvinhu zvashanduka muZimbabwe.

Vachipindura mubvunza wekuti nyika yavo icharamba yakatemera here Zimbabwe zvirango, Ambassador Wharton vati zvakakosha kuti vanhu vemuZimbabwe vaite zvavakawirirana kuita muchibvumirano cheGlobal Political Agreement kuitira kuti zvirango zvehupfumi nezvekufamba zvakatemerwa vamwe vakuru muhurumende nemuZanu PF zvibviswe.

Ambassador Wharton vatiwo hachisi chokwadi kuti veruzhinji vari kubatwa batwa nezvirango zvehupfumi zvakatemerwa vamwe vakuru vakuru nemamwe makambani ari munyika.

Asi mupepeti webepanhau re The Standard, VaNevanji Madanhire, vati maonero everuzhinji munyika ndeekuti vashoma ivavo vakatemerwa zvirango havana chavari kunzwa uye vave kutovanda nezvirango izvi kuramba vachiita chikiribidi nekutengesa mangoda nerweseri vasingaendese mari kubazi rezvemari.

VaWharton vati nyika yavo inodyidzana zvikuru neZimbabwe uye zvimwe zvavachaita kukurudzira vemabhizimisi ekuAmerica vauye kuZimbabwe sezvo kuine mikana yekuita mabhizimisi yakanaka chose .

Vatiwo panyaya yekugadzirisa hukama hweAmerica ne Zimbabwe, VaWharton vati vachakumbira nhengo dzedare re Congress muAmerica kuti dzizoona kushanduka kwaita zvinhu muZimbabwe kubva pakuumbwa hurumende yemubatanidzwa kusvika pari zvino.

Vatiwo kana Zimbabwe ikaita referendamu nesarudzo dzakachena, America ichaona zvekuita nezvirango zvehupfumi zvakatemerwa mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nevamwe vavo muZanu PF.

VaWharton, avo vakamboshandira muZimbabwe vari mubazi rezvekudyidzana neveruzhinji pamuzinda weAmerica muZimbabwe kubva muna 1999 kusvika muna 2003, vati havana chinangwa chekugaro popotedzana neZimbabwe uye vati vacharemekedza vanhu pamwe nehurumende yeZimbabwe pabasa ravo.

Vamwe vapepeti venhau vanga vakokwa havana kuuya kumusangano uyu, kunze kwekutumira vatori vavo venhau.

Ambassador Wharton vakasangana naVaMugabe neChina vachinozvipira zviri pamutemo semumiriri mutsva weAmerica muZimbabwe.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG