Accessibility links

Breaking News

Nyika Dzogadzirira Musangano Uchazeya Mamiriro eKunze Oshanduka


Vatungamiri venyika dzepasi rino vari kusangana muParis, kuFrance svondo rinouya kumusangano wekuzeya kushanduka kwemamiriro ekunze, kana kuti climate change.

Nyaya yekushanduka kwemamiriro ekunze iri kutemesa vatungamiri venyika dzakawanda musoro.

Mutungamiri wenyika yeAmerica, VaBarack Obama, vari kubatana nevamwe vatungamiri vepasi rino kumusangano uyu.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaObama vagara vakataura kuti nyaya yekusamira zvakanaka yekunze idambudziko rakakomba zvikuru rekuti rikasagadziriswa richava gangaidzwa kumukwenyi wemhezi yavavira mudumbu kune vechidiki mumakore anotevera.

Zvichataurwa nevatungamiri ava zvichabata zvakanyanya nyika dzakaita seZimbabwe idzo dzinorarama nekurima.

Asi dambudziko guru rakatarisana neZimbabwe inyaya yekushaya mari yekubatsira varimi kuti vafambirane nekuchinja kwemamiriro ekunze.

Zimbabwe iri mushishi rekugadzirirawo musangano wekuParis uyu.

Munyori mubazi rinoona nezvekuchengetedzwa zvakanaka kwezviwanikwa, VaPrince Mupazviriwo, vanoti United Nations pakupera kwesvondo rapera, yakadaidzira musangano wenyika dzemuAfrica kuti dziende kuParis dziine chinangwa chimwe chete.

Ko chii chaizvo chiri kupa kuti mamiriro ekunze achinje zvopa kuti mamiriro ekunze aite mhidigari.

VaStephen Vunganai vanoshanda nesangano reGlobal Youth Forum - Zimbabwe uye ndivo vakasarudzwa kuti vatungamire vechidiki muAfrica panyaya yekuchinja kwekunze kumusangano wekuParis.

VaVunganai vanoti panofanirwa kutorwa matanho akasimba ekuona kuti dambudziko rekushandika kwemamiriro ekunze rapedzwa zvachose kuitira remangwana rakanaka repasi rose.

Vanoona nezvemamiriro ekunze vebazi re Metrological Department, VaTich Zinyemba, vanoti mvura inogona kusanaya zvakanaka zvichikonzerwa nemhepo ye El Nino, unova munongedzo wekuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka.

Mutungamiri wesangano revarimi reZimbabwe Commercial Farmers Union, VaPaul Zacharia, vanotiwo varimi vanofanira kusima mbeu dzinokurumidza kuibva nenyaya yekusamira zvakanaka kwemwaka wekurima.

Musangano we2015 Climate Change uri kukokerwa nesangano reunited Nations, uye uchapindwa nevanhu vanodarika zviuru makumi mashanu, kusanganisira vamiriri vedzihurumende nemasangano vanosvika zviuru makumi maviri nezvishanu

XS
SM
MD
LG